1 Timoti 3
3
Mabasa avatungamiriri veKereke
1Ishoko rechokwadi, rokuti, kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rakanaka. 2Naizvozvo mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwechete, akangwara, akachenjera, anomugariro wakafanira, anoitira vaeni rudo, anoziva kudzidzisa, 3asingadi waini, asingarwi; asi munyoro, asina gakava, asingakariri mari; 4anobata imba yake zvakanaka, anavana vanozviisa pasi nomugariro wose unokudzwa; 5(kana munhu asingazivi kubata imba yake, angachengeta seiko kereke yaMwari?) 6Asava mutendi mutsva, kuti arege kuzozvikudza, atongwe saDhiabhori. 7Uyezve, unofanira kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuti arege kuzvidzwa, nokubatwa mumusungo waDhiabhorosi.
8Saizvozvowo vashumiri ngavave vanokudzwa, vasina mazwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri pfuma yakaipa; 9vanochengeta zvakavanzika zvokutenda muhana yakanaka. 10Naivo ngavatange kuedzwawo, ipapo vashumire, kana vasina chavangapomerwa. 11Saizvozvo navakadzi ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe, vakasvinuka, vakatendeka pazvose. 12Vashumiri ngavave varume vanomukadzi mumwechete, vanobata vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka; 13nokuti avo vakushumira zvakanaka, vanozviwanira zita rinokudzwa, nokutsunga kukuru pakutenda kwavo muna Kristu Jesu.
14Zvinhu izvi zvose ndinokunyorera, ndichiti ndichakurumidza kuuya kwauri; 15zvino kana ndikanonoka, ndinoda kuti uzive kuti vanhu vanofanira kufamba sei mumba maMwari, iyo kereke yaMwari mupenyu, mbiru nechitsigiro chechokwadi. 16Hakuna angaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa pamweya, akaonekwa navatumwa, akaparidzwa pakati pavahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Timoti 3: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: