1 Timoti 6
6
Varanda navatenzi
1Vose vari varanda pasi pejoko, ngavati vatenzi vavo vanofanirwa nokukudzwa kwose, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kumhurwa. 2Avo vana vatenzi vanotenda, ngavarege kuvazvidza zvadziri hama, asi zvikuru ngavavabatire, zvavari vatendi navanodikanwa vanobatsirwa nokubata kwavo kwakanaka. Dzidzisa zvinhu izvi, uzviraire.
Kurayira kwokupedzisira
3Kana kune munhu anodzidzisa imwe dzidziso, asingabvumiri mashoko akarurama, mashoko aIshe wedu, Jesu Kristu, nedzidziso inonzwana nokunamata Mwari, 4anongozvikudza, asingazivi chinhu, asi anongokarira mibvunzo nenharo dzinomutsa godo, negakava, nokutuka, nokufungidzira kwakaipa, 5nokukakavadzana kusingaperi kwavanhu vanomurangariro wakaodzwa, vakatorerwa chokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinopfumisa.
6Zvino kunamata Mwari pamwechete nokutenda nezvatinazvo ndizvo zvinopfumisa kwazvo; 7nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, hatigoniwo kubuda tine chinhu; 8asi kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo. 9Asi vanotsvaka kupfuma, vanowira mukuedzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokuraswa. 10Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.
11Asi iwe, munhu waMwari, tiza zvinhu izvi; utevere kururama nokunamata Mwari, nokutenda, norudo, nokutsungirira, nohunyoro. 12Urwe kurwa kwakanaka kwokutenda, ubatisise upenyu husingaperi, hwawakadanirwa kwahuri, ukapupura kupupura kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.
13Ndinokurayira pamberi paMwari, anopa zvinhu zvose zvoupenyu hwazvo, napamberi paKristu Jesu, akapupura kupupura kwakanaka pamberi paPontio Pirato; 14kuti uchengete murayiro, usina ruvara, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu, Jesu Kristu; 15kwaachazoratidza panguva dzake, iye oga akaropafadzwa nowaMasimbaose, Mambo wamadzimambo, Ishe wamadzishe; 16iye oga asingafi, agere pachiedza chisingaswederwi, asina kuonekwa; kukudzwa nesimba risingaperi ngazvive kwaari. Ameni.
17Rayira vapfumi panyika yazvino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nepfuma isingagari, asi naMwari, anotipa zvose achiwanza, kuti tifare nazvo; 18kuti vaite zvakanaka, vave vapfumi pamabasa akanaka, vafarire kupa vamwe, nokugovana; 19vazvirongedzere nheyo dzakanaka dzenguva inouya, kuti vabatisise upenyu chaihwo.
20Iwe, Timoti, chengeta icho chawakapiwa, ufuratire kutaura kusina hanya naMwari nokuramba kunobva pazivo inonzi zivo, dziri nhema hadzo; 21iyo yakapupurwa navamwe, vakazorasika pakutenda. Nyasha ngadzive nemi.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Timoti 6: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: