Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Makoronike 21

21
Jehoramu mambo waJudha
1Zvino Jehoshafati akavata namadzibaba ake, akavigwa namadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Jehoramu mwanakomana wake akamutevera pahushe. 2Iye akanga ana vanun'una, vaiva vanakomana vaJehoshafati, vaiti: Azaria, naJehieri, naZekariya, naAzaria, naMikaeri, naShefatia; ava vose vaiva vanakomana vaJehoshafati mambo waIsiraeri. 3Baba vavo vakavapa zvipo zvikuru zvesirivha, nendarama, nezvinhu zvinokosha, pamwechete namaguta akakombwa paJudha; asi ushe wakahupa Jehoramu, nokuti iye akanga ari wedangwe. 4Zvino Jehoramu akati apinda paushe hwababa vake, ndokuzvisimbisa, akauraya vanun'una vake vose nomunondo, navamwewo vamachinda aIsiraeri.
5Jehoramu akanga asvika makore makumi matatu namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore masere. 6Akafamba nenzira yamadzimambo aIsiraeri, sezvakaita imba yaAhabhi; nokuti mukunda waAhabhi akanga ari mukadzi wake; akaita zvakaipa pamberi paJehovha. 7Kunyange zvakadaro Jehovha akanga asingadi kuparadza imba yaDhavhidhi, nokuda kwesungano yaakanga aita naDhavhidhi, uye nokuti akanga amupikira kuti achamupa mwenje iye navana vake nguva dzose.
8Zvino namazuva ake vaEdhomu vakamukira vaJudha, vakazviitira mambo wavo. 9Ipapo Jehoramu akaenda navakuru vake, ane ngoro dzake dzose naye; akamuka usiku, akaparadza vaEdhomu vakanga vakamukomba navakuru vengoro. 10Naizvozvo vaEdhomu vakamukira vaJudha, kusvikira zuva ranhasi. Ipapo veRibhinawo vakamumukira nenguva iyo; nokuti akanga arasha Jehovha, Mwari wamadzibaba ake. 11Akaitawo matunhu akakwirira pamakomo aJudha, akapatisa vagere Jerusaremu, nokutsausa vaJudha.
12Ipapo n’wadhi yakabva kumuporofita Eria, ikasvika kwaari, ichiti, “Zvanzi naJehovha Mwari wababa vako Dhavhidhi, ‘Zvausina kufamba nenzira dzababa vako Jehoshafati, kana nenzira dzaAsa mambo waJudha; 13asi wakafamba nenzira dzamadzimambo aIsiraeri, ukapatisa Judha navagere Jerusaremu, sezvakaita imba yaAhabhi, ukaurayawo vanun'una vako veimba yababa vako, vakanga vakanaka kupfuura iwe; 14zvino tarira, Jehovha acharova vanhu vako, navana vako, navakadzi vako, nezvinhu zvako zvose, nenjodzi yakaipa; 15iwe uchava nehosha yakaipa yomuura kusvikira ura hwako huchibuda kunze nemhaka yehosha iyo zuva rimwe nerimwe.’ ”
16Zvino Jehovha akakurudzira mweya yavaFirisitia neyavaArabhia, vakanga vari kurutivi rwavaItiopia, kuzorwa naJehoramu; 17vakandorwa navaJudha, vakapinda nyika yavo nesimba, ndokutora nhumbi dzose dzavakawana mumba mamambo, navanakomana vake, navakadzi vake; naizvozvo haana kusarirwa nomwanakomana, kunyange nomumwe asi Jehoahazi, muduku wavanakomana vake vose.
18Shure kwaizvozvo zvose Jehovha akamurova muura hwake nehosha isingagoni kurapwa. 19Zvino makore maviri akati apera, ura hwake hukabuda kunze nemhaka yourwere, akafa nehosha dzakaipa; vanhu vake vakasamupisira, sezvavakapisira madzibaba ake.
20Akanga asvika makore makumi matatu namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore masere; akaenda hake asingadikanwi, vakamuviga paguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga pamarinda amadzimambo.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Makoronike 21: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda