2 Makoronike 23
23
Ataria vanourawa, Joashi ndokugadzwa paushe
1Zvino negore rechinomwe Jehoyadha akazvisimbisa, akaita sungano navakuru vamazana, vaiti: Azaria mwanakomana waJerohami, naIshimaeri mwanakomana waJehohanani, naAzaria mwanakomana waObhedhi, naMaaseya mwanakomana waAdhaya, naErishafati mwanakomana waZikiri.
2Vakapota nenyika yaJudha, vakakokera vaRevhi vapamaguta ose aJudha, navakuru vedzimba dzamadzibaba aIsiraeri, vakasvika Jerusaremu.
3Ungano yose ikaita sungano namambo mumba maMwari. Iye akati kwavari, “Tarirai, mwanakomana wamambo achabata ushe, sezvakarehwa naJehovha pamusoro pavanakomana vaDhavhidhi. 4Munofanira kuita kudai, Imi munopinda neSabata, chetatu chenyu chavapristi navaRevhi, munofanira kuva varindi vemikova; 5chimwe chetatu chinofanira kuva paimba yamambo, nechimwe chetatu pasuo renheyo; navanhu vose vanofanira kuva pavazhe dzeimba yaJehovha. 6Asi ngakurege kuva nomunhu mumwe anopinda mumba maJehovha, asi vapristi navaRevhi vanobatamo; ivo ngavapinde nokuti vatsvene; asi vanhu vose vanofanira kurinda imba yaJehovha. 7VaRevhi vanofanira kukomba mambo, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake; Ani naani anopinda paimba, anofanira kuurawa; mugare namambo kana achipinda uye kana achibuda.”
8Naizvozvo vaRevhi navaJudha vose vakaita zvose zvavakarairwa nomupristi Jehoyadha; mumwe nomumwe akatora vanhu vake, ivo vaifanira kupinda neSabata naivo vaifanira kubuda neSabata; nokuti mupristi Jehoyadha haana kutendera mapoka kuenda. 9Mupristi Jehoyadha akapa vakuru vamazana mapfumo, nenhoo, nenhoo duku, zvaiva zvamambo Dhavhidhi, zvakanga zviri mumba maMwari. 10Akarongedza vanhu vose, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake, kubva kurutivi rworudyi rweimba kusvikira kurutivi rworuboshwe rweimba, napaaritari neimba, vakakomba mambo. 11Ipapo vakabudisa mwanakomana wamambo, vakamudzika korona, vakamupa chipupuriro, vakamuita mambo; Jehoyadha navanakomana vake vakamuzodza; vakati, “Mambo ngaararame!” 12Zvino Ataria vakati vachinzwa mhere-mhere yavanhu vakanga vachimhanya nokurumbidza mambo, vakapinda kuvanhu mumba maJehovha; 13akatarira, akaona mambo amire pambiru yake pavaipinda napo, navakuru navane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda; vaimbiwo vakaridza zvokuridza nazvo, vakaraira vairumbidza nokuimba kwavo. Ipapo Ataria vakabvarura nguo dzavo, vakati, “Ndamukirwa, ndamukirwa!”
14Mupristi Jehoyadha akabudisa vakuru vamazana vairaira hondo, akati kwavari, “Mubudisei pakati pemisara yavanhu; ani naani anomutevera iye, ngaaurawe nomunondo; nokuti mupristi wakati, ‘Regai kumuuraya mumba maJehovha.’ ”
15Naizvozvo vakamudziurira nzira, vakaenda nenzira yaipinda mabhiza nayo kumba kwamambo, vakamuurayirapo.
16Ipapo Jehoyadha akaita sungano, iye navanhu vose namambo, kuti vave vanhu vaJehovha. 17Vanhu vose vakaenda kumba kwaBhaari, vakaiputsa; vakaputsanya aritari dzake nemifananidzo yake, vakauraya Matani mupristi waBhaari pamberi pearitari. 18Jehoyadha akaraira mabasa eimba yaJehovha kuti atarirwe navapristi vaRevhi, vakanga varongedzwa naDhavhidhi mumba maJehovha, kuti vapisire Jehovha zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurayiro waMosesi, nomufaro nokuimba, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi. 19Akagadzawo vatariri pamusuo eimba yaJehovha, kuti parege kupinda munhu wakasvibiswa nechinhu chipi nechipi. 20Akaenda ana vakuru vamazana, navaikudzwa, navabati vavanhu, navanhu vose venyika, vakaburusa mambo paimba yaJehovha, vakapinda mumba mamambo napasuo rokumusoro, vakagadza mambo pachigaro choushe. 21Naizvozvo vanhu vose venyika vakafara, guta rikanyarara; asi Ataria vakanga vamuuraya nomunondo.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Makoronike 23: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: