Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Makoronike 24

24
Joashi anogadzira temberi; pashure anotsauka panzira dzaJehovha
1Joashi akanga asvika makore manomwe pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi mana; zita ramai vake rakanga riri Zibhia weBheerishebha. 2Joashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha mazuva ose omupristi Jehoyadha. 3Jehoyadha akamutsvakira vakadzi vaviri; akabereka vanakomana navanasikana.
4Zvino shure kwaizvozvi Joashi akarangarira kuvandudza imba yaJehovha. 5Akakokera vapristi navaRevhi, akati kwavari, “Budirai kumaguta aJudha, muunganidze kuvaIsiraeri vose mari yokugadzirisa nayo imba yaMwari wenyu gore rimwe nerimwe; uye mubva machimbidzikira chinhu ichi!” Asi vaRevhi havana kuchimbidzika. 6Zvino mambo akadana mukuru Jehoyadha, akati kwaari, “Makaregereiko kuraira vaRevhi kundounganidza mutero waMosesi muranda waJehovha paJudha napaJerusaremu napaungano yaIsiraeri, zviiswe patende rechipupuriro?”
7Nokuti vanakomana vaAtaria, mukadzi uya wakaipa, vakanga vaputsa imba yaMwari; nezvinhu zvose zveimba yaJehovha, zvakanga zvakatsaurirwa Mwari, vakazvipa vaBhaari.
8Naizvozvo mambo akaraira, vakaveza bhokisi, vakariisa kunze kwesuo reimba yaJehovha. 9Zvino vakatuma shoko pakati paJudha neJerusaremu, kuti vanhu vavigire Jehovha mutero wakarairwa vaIsiraeri murenje naMosesi muranda waMwari. 10Machinda ose navanhu vose vakafara, vakauya nazvo, vakazvikanda mubhokisi, kusvikira vapedza.
11Zvino nguva dzose kana bhokisi richiiswa paimba yamambo namaoko avaRevhi, kana vakaona kuti mari zhinji yavamo, munyori wamambo nomutariri womupristi mukuru vakauya vakadurura zviri mubhokisi, vakaritora ndokuridzoserazve panzvimbo yaro. Vakaita kudaro zuva rimwe nerimwe, vakaunganidza mari zhinji.
12Zvino mambo naJehoyadha vakaipa vaibata mabasa paimba yaJehovha; vakaripira vavezi vamabwe namatanda, kuti vavandudze imba yaJehovha, navapfuri vamatare nendarira, kuti vagadzire imba yaJehovha. 13Naizvozvo vabati vakabata, basa rikapedzwa navo; vakagadzira imba yaMwari sezvayakanga yakaita kare, vakaisimbisa. 14Zvino vakati vapedza, vakauya nemari yakasara kuna mambo naJehoyadha, vakaita nayo midziyo yeimba yaJehovha, iri midziyo yokubata nayo, nokubayira nayo, nezvirongo nemidziyo yendarama nesirivha. Vaibayira zvipiriso zvinopiswa mumba maJehovha mazuva ose aJehoyadha. 15Asi Jehoyadha akazokwegura, akava namazuva mazhinji ndokufa; akanga ana makore ane zana namakumi matatu pakufa kwake. 16Vakamuviga paguta raDhavhidhi pakati pamadzimambo; nokuti akanga aitira Mwari neimba yake zvakanaka pakati paIsiraeri.
17Zvino Jehoyadha akati afa, machinda aJudha akasvika, akanamata mambo. Ipapo mambo akavateerera. 18Vakasiya imba yaJehovha Mwari wamadzibaba avo, vakashumira matanda okunamata nawo nezvifananidzo; Mwari akatsamwira Judha neJerusaremu pamusoro pemhaka iyi.
19Kunyange zvakadaro akavatumira vaporofita kuzovadzoserazve kuna Jehovha; ivo vakavapupurira, asi vakaramba kunzwa. 20Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paZekariya, mwanakomana womupristi Jehoyadha, akamira pakakwirira pamberi pavanhu, akati kwavari, “Zvanzi naMwari, ‘Munodarikireiko mirairo yaJehovha, muchiramba kufara? Zvamasiya Jehovha, naiye wakausiyawo.’ ” 21Ipapo vakarangana, vakamutaka namabwe paruvazhe rweimba yaJehovha, varairwa namambo. 22Nokudaro mambo Joashi haana kurangarira zvakanaka zvaakanga aitirwa naJehoyadha baba vake, asi akauraya mwanakomana wake. Zvino wakati achifa, akati, “Jehovha ngaatarire chinhu ichi, achitsive.”
23Zvino gore rakati ropera, hondo yavaSiria ikasvika kuzorwa naye; vakasvika paJudha napaJerusaremu vakaparadza machinda ose avanhu pakati pavanhu, vakatuma zvose zvavakapamba kuna mambo weDhamasiko. 24Nokuti hondo yavaSiria yakauya neboka duku ravanhu; Jehovha akaisa pfumo guru-guru mumaoko avo, nokuti vakanga vasiya Jehovha Mwari wamadzibaba avo. Nokudaro vakaitira Joashi zvakanga zvatongwa naMwari. 25Zvino vakati vabva kwaari (nokuti vakamusiya achirwara kwazvo), varanda vake vakarangana pamusoro pake nemhaka yeropa ravanakomana vomupristi Jehoyadha, vakamuurayira panhoo yake, akafa; vakamuviga muguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga kumarinda amadzimambo.
26Vakarangana pamusoro pake ndivava: Zabhadhi mwanakomana waShimeati, mukadzi muAmoni, neJehozabhadhi mwanakomana waShimiriti mukadzi muMoabhu.
27Zvino kana zviri zvavanakomana vake, namashoko makuru avaporofita akarehwa pamusoro pake, nokumutswa kweimba yaMwari, tarirai zvakanyorwa padudziro yebhuku yamadzimambo. Amazia mwanakomana wake akamutevera paushe.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Makoronike 24: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda