2 VaKorinde 10
10
Pauro anosimbisa hupostori hwake
1Zvino ini Pauro ndinokumbira zvikuru kwamuri nounyoro netsitsi dzaKristu ini muduku kana ndiri pakati penyu, asi ndinotsunga kwamuri kana ndisipo. 2Ndinokumbira kwamuri, kuti kana ndavapo, ndirege kuzotsunga, nokutenda kwandinoti zvino ndichatsunga nako kuna vamwe vanoti tinofamba nenzira yenyama. 3Nokuti, kunyange tichifamba nenzira yenyama, hatirwi nemitoo yenyama; 4nokuti nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzine simba pamberi paMwari rokuputsa nhare; 5isu tinoti tichiputsa njere, nezvakakwirira zvose zvinomutswa kuzorwa nokuziva Mwari, tinopa mifungo yose kuti iteerere Kristu; 6takazvigadzira kuranga kusateerera kwose, kana kuteerera kwenyu kwazadziswa.
7Imi munotarira zvinhu zviri pamberi penyu. Kana munhu achivimba nazvo achiti ndiri waKristu, ngaarangarirezve chinhu ichi mumwoyo make, kuti sezvaari waKristu iye, saizvozvo nesuo. 8Nokuti kunyange ndainyanya kuzvirumbidza pamusoro pesimba redu ratakapiwa naIshe kukusimbisai, risati riri rokukuputsai, handinganyadziswi; 9kuti ndirege kuita sendinokutyisai netsamba dzangu.
10Nokuti vanoti, “Tsamba dzake dzina mashoko makuru, dzine simba, asi muviri wake kana aripo, unoutera, nokutaura kwake kunozvidzwa.” 11Munhu akadaro ngaarangarire chinhu ichi, kuti sezvatinoreva mutsamba kana tisipo, ndizvo zvatakaitawo pakuita kwedu kana tiripo. 12Nokuti tinotya kuzvienzanisa nokuzvifananidza navamwe vanozvikudza; asi ivo havana njere, zvavanozvienzanisa naivo vamene, nokuzvifananidza naivo vamene.
13Zvino isu hatingazvirumbidzi tichipfuura chiyero, asi nechiyero chinosvika pachitanda chatakagoverwa naMwari, kuti chive chiyero, chisvikirewo kwamuri. 14Nokuti hatinyanyi kuzvitambanudza, sezvatisingasvikiri kwamuri; nokuti tisu takatanga kusvikira kwamuri neVhangeri yaKristu; 15hatizvirumbidzi tichipfuura chiyero pamusoro pebasa ravamwe; asi tine tariro kuti, kana kutenda kwenyu kuchikura, isu tichakuriswa pakati penyu kusvikira pachitanda chedu nokupfuurisa; 16tigoparidza Vhangeri panyika dziri mberi kwenyu, tirege kuzvirumbidza pachitanda chomumwe pamusoro pezvatoitwa hazvo. 17Asi anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Ishe. 18Nokuti akatendeka haazi iye anozvirumbidza, asi ndiye anorumbidzwa naIshe.
Zvasarudzwa nguva ino
2 VaKorinde 10: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: