2 VaKorinde 3
3
VaKristu itsamba
1Tinotangazve kuzvirumbidza kwamuri here? Tinotsvaka here savamwe tsamba dzinoenda kwamuri, kana dzinobva kwamuri, dzingatirumbidza? 2Imi muri tsamba yedu yakanyorwa mumwoyo medu, inozikanwa nokurahwa navanhu vose; 3makaonekwa kuti muri tsamba yaKristu, yakagadzirwa nesu, isina kunyorwa neingi, asi naMweya waMwari mupenyu; isina kunyorwa pamahwendefa amabwe, asi pamahwendefa enyama omwoyo.
4Kutenda kwakadai tinako naKristu, kuna Mwari; 5hatiti takakwana isu timene, kuti titeme chinhu timene; asi kukwana kwedu kunobva kuna Mwari; 6iye akatikwanisa kuti tive vashumiri vesungano itsva, isati iri yezvakanyorwa asi yoMweya; nokuti zvakanyorwa zvinouraya, asi Mweya anopa upenyu.
7Zvino kana kushumira, kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namabhii pamabwe, kwakauya nokubwinya, kwakanga kwadaro kuti vana vaIsiraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMosesi nokuda kwokubwinya kwechiso chake kwakanga kuchipfuura hako 8ko kushumira kwoMweya hakungavi nokubwinya kukuru here? 9Nokuti kana kushumira, kwakauyisa kutongeswa, kwakanga kunokubwinya, zvikuru sei kushumira, kunouyisa kururama, kuchakunda pakubwinya. 10Nokuti naicho chakabwinyiswa, hachina kubwinyiswa, kana pachinhu ichi tichichifananidza nokubwinya kunokunda. 11Nokuti kana icho chinopfuura chaiva nokubwinya, zvikuru sei icho chinogara ndicho chiri pakubwinya.
12Naizvozvo, zvatine tariro yakadai, tinotaura tisingatyi napaduku, 13tisingaiti saMosesi, waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsiraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopfuura.
14Asi ndangariro dzavo dzakakokomara; nokuti kusvikira zuva ranhasi, kana sungano yakare ichirawa, chifukidziro icho chiripo, chisingaratidzwi kuti muna Kristu zvinopfuura. 15Asi kusvikira nhasi, kana Mosesi achirawa, chifukidziro chiripo pamwoyo yavo. 16Zvino kana munhu achitendeukira kuna Ishe, chifukidziro chinobviswa. 17Ishe ndiMweya; zvino panoMweya waIshe, pane sununguko. 18Zvino isu tose tinoti tichitarira nechiso chisina kufukidzirwa kubwinya kwaIshe sapachioni-oni, tinosandurwa tichifanana nomufananidzo iwoyo, tichibva pakubwinya kumwe tichienda kunokumwe kubwinya, sezvichibva kuna Ishe, Mweya.
Zvasarudzwa nguva ino
2 VaKorinde 3: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002