2 Petirosi 1
1
Kwaziso
1Simeoni Petirosi, muranda nomupostori waJesu Kristu, kuna vakagoverwa kutenda kumwe nokwedu, kunokosha, nokururama kwaMwari wedu noMuponesi Jesu Kristu; 2nyasha ngadzive nemi norugare ngaruwanzwe mukuziva Mwari naJesu, Ishe wedu; 3nokuti nesimba rouMwari hwake takapiwa zvose zvinodikanwa muhupenyu nomukunamata Mwari, nenzira yokumuziva iye akatidana nokubwinya kwake nokunaka; 4akatipa nazvo zvipikirwa zvinokosha zvakakura kwazvo; kuti nazvo muve vanhu vakagoverwa uMwari, matiza kuora kuri panyika nokuchiva.
Shingairai pauKristu
5Zvino nemhaka iyi muchishingaira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziva; 6napakuziva, kuzvidzora; napakuzvidzora, kutsungirira; napakutsungirira, kunamata Mwari; 7napakunamata Mwari, kuda vatendi, napakuda vatendi, rudo. 8Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasina usimbe navasingashayiwi zvibereko mukuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.
9Nokuti munhu, asina izvozvi ibofu, anoona zviri pedyo bedzi, akanganwa kusukwa kwezvivi zvake zvakare. 10Saka, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti musimbise kudanwa nokusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita izvozvi hamungatongogumburwi; 11nokuti muchizviita muchazarurirwa zvakanaka kuti mupinde muushe husingaperi hwaIshe wedu, noMuponesi Jesu Kristu.
12Saka handingaregi kukuyeuchidzai zvinhu izvi nguva dzose, kunyange muchizviziva henyu, uye makasimba muchokwadi chamunacho. 13Ndinoti zvakanaka, kuti ndichiri mutabhenakeri ino ndikumutsei nokukuyeudzai; 14ndichiziva kuti kubviswa kwetabhenakeri yangu kwava pedyo, sezvandakaratidzwa naIshe wedu Jesu Kristu.
15Zvino ndichashingaira, kuti mugogona kurangarira zvinhu izvi nguva dzose kana ndaenda.
16Nokuti hatina kutevera ngano dzokufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakaona humambo hwake.
17Nokuti iye akapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakauya izwi rakadai kwaari, richibva kukubwinya kukuru-kuru, richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofarira.” 18Izwi iri takarinzwa isu, richibva kudenga, nguva yatakanga tinaye mugomo dzvene.
19Uye tine shoko rouporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriteerera, rakaita somwenje unovhenekera mune rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mwoyo yenyu; 20muchiziva pakutanga, kuti hakuna uporofita hworugwaro hunongodudzirwa nomunhu; 21nokuti hakuna uporofita hwakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa naMweya Mutsvene.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Petirosi 1: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: