2 Petirosi 3
3
Kudzoka kwaKristu
1Vadikanwi, iyi ndiyo tsamba yechipiri yandinokunyorerai zvino; pane idzodzi dzose mbiri ndinomutsa ndangariro dzenyu ndichikuyeudzirai; 2kuti mugorangarira mashoko akataurwa kare navaporofita vatsvene, nomurayiro waIshe, Muponesi, wamakapiwa navapostori venyu; 3pakutanga muzive henyu chinhu ichi, kuti pamazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo, 4vachiti, “Chipikirwa chokuuya kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.”
5Nokuti vanokanganwa nohwoni chinhu ichi, kuti kare denga raivapo, nenyika yakabudiswa mumvura, yakaitwa nemvura neshoko raMwari; 6nazvo nyika, yaivapo nguva iyo, yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa; 7asi denga, riripo zvino, nenyika, zvakavigirwa moto neshoko irori, zvinochengetererwa zuva rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.
8Asi vadikanwi, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kuna Ishe zuva rimwe rakaita samakore ane chiuru, namakore ane chiuru sezuva rimwe. 9Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti, “Anonoka, asi ano mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.”
10Asi zuva raIshe richauya sembavha; naro denga richapfuura nokutinhira kukuru, nezvedenga zvichaparadzwa zvichipiswa, nenyika namabasa ari mairi achapiswa. 11Izvi zvose zvazvichaparadzwa saizvozvo, imi munofanira kuva vanhu vakadiniko pamufambiro wenyu mutsvene nokunamata Mwari, 12imi munotarira nokushuvawo kwazvo kuuya kwezuva raMwari; naro denga richaparadzwa nokutsva, nezvedenga zvichanyauka zvichipiswa. 13Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.
14Saka vadikanwi, zvamunotarira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye muno rugare, musina ruvara, musina mhosva; 15muchiti, mwoyo murefu waIshe wedu ruponeso; saPauro, hama yedu inodikanwa, akakunyoreraiwo nokuchenjera kwaakapiwa; 16sezvaanotaura mumatsamba ake ose pamusoro pezvinhu izvi; madziri mune zvimwe zvikukutu kunzwisiswa; zvinominamiswa, samamwe magwarowo, navasingazivi navasina simba, kusvikira vaparadzwa.
17Naizvozvo imi vadikanwi, zvamunoziva zvinhu izvi zvisati zvaitwa, chenjerai kuti murege kurashwa nokutsauka kwavakashata, muve pakusimba kwenyu. 18Asi kurai munyasha napakuziva Ishe wedu, Muponesi Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino, nokusingaperi. Ameni.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Petirosi 3: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002