2 Timoti 3
3
Kurasika kwamazuva okupedzisira
1Zvino uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. 2Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasati vari vatsvene, 3vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, 4vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari; 5vanomufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasa simba rako; ufuratire vanhu ivavawo. 6Nokuti pakati pavo varipo vanopinda mudzimba vachiverevedza, vachitapa zvikadzi zvakaremedzwa nezvivi, zvinokwewa nokuchiva kuzhinji, 7zvinongogara zvichidzidza, asi hazvitongogoni kusvika pakuziva chokwadi.
8Janesi naJambiresi sezvavakadzivisa Mosesi, saizvozvo ivo vanodzivisa chokwadi, vari vanhu vane ndangariro dzakaodzwa, vakarasika pakutenda. 9Asi havachapfuuriri mberi, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navose, sezvakazoita hwavo.
10Asi iwe wakatevera kudzidzisa kwangu, nomufambiro, nokufunga, nokutenda, nomwoyo murefu, norudo, nokutsungirira, 11namadambudziko, nenhamo, izvo zvakandiwira paAndioki, napaIkonio, napaRisitira; madambudziko makuru sei andakanzwa; pazvinhu izvozvo zvose Ishe akandisunungura. 12Zvino, navose vanoda kunamata Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa. 13Asi vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.
14Asi iwe, rambira pane zvawakadzidza nezvawakatendiswa, uzive kuti wakazvidzidza kuna ani, 15kuti kubvira paucheche hwako wakaziva Magwaro Matsvene anogona kukupa uchenjeri hunoisa kukuponeswa nokutenda kuri muna Kristu Jesu.
16Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, 17kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Timoti 3: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002