Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

3 Johani 1

1
Kwaziso
1Mukuru kuna Gayo, mudikanwi, wandinoda nechokwadi.
Gayo anorumbidzwa
2Mudikanwi, ndinokunyengetera kuti ufare pazvinhu zvose, uye uve mukukutu, sokufara kwomweya wako. 3Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichikupupurira chokwadi yako, dzichiti, unofamba muchokwadi. 4Handina mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muchokwadi.
5Mudikanwi, unobata basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeniwo; 6vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza nomutoo wakafanira Mwari. 7Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chinhu kuvahedheni. 8Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pachokwadi.
Dhiotirefe anopiwa mhaka, Dhemetirio anorumbidzwa
9Ndakanyorera kereke; asi Dhioti refe, anoda kuva mukuru pakati pavo, anotiramba isu. 10Naizvozvo, kana ndichiuya, ndichayeudza mabasa ake aanoita, kuti anotiitira makuhwa namashoko akaipa; uye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, uye vakanga vachida havo anovadzivisa nokuvadzinga mukereke.
11Mudikanwi usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, anoita zvakanaka, ndowaMwari; anoita zvakaipa, haana kuona Mwari.
12Dhemetirio anopupurirwa navanhu vose, uye nechokwadi chaicho; nesu tinopupurawo, newe unoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi.
Kuonekana
13Ndakanga ndine zvizhinji zvandaida kukunyorera, asi handidi kukunyorera neingi nepeni; 14asi ndinotarira kuti ndichakurumidza kukuona, tigotaurirana nomuromo. 15Rugare ngaruve newe. Hama dzinokukwazisa. Ndikwazisire hama, mumwe nomumwe nezita rake.

Zvasarudzwa nguva ino

3 Johani 1: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda