Mabasa 15
15
Ungano paJerusaremu pamusoro pokudzingiswa nokuchengeta murayiro waMosesi
1Zvino vamwe vakaburuka Judhea, vakadzidzisa hama, vachiti, “Kana musingadzingiswi netsika yaMosesi, hamungaponeswi.” 2Asi Pauro naBhanabhasi vakapesana kwazvo navo, nokuita nharo navo, vakazotenderana kuti Pauro naBhanabhasi navamwe vavo vakwire Jerusaremu kuvapostori navakuru pamusoro peshoko iri.
3Naizvozvo vakaperekedzwa nekereke, vakagura neFonikia neSamaria, vakataura zvokutendeuka kwavahedheni; vakafadza zvikuru hama dzose. 4Zvino vakati vasvika Jerusaremu, vakagamuchirwa nekereke, navapostori, navakuru; vakarondedzera zvose zvakaitwa naMwari navo. 5Asi vamwe vedzidziso yavaFarisi, vaitenda, vakasimuka, vakati, “Vanofanira kudzingiswa nokurayirwa kuti vachengete murayiro waMosesi.”
6Ipapo vapostori navakuru vakaungana kuti varangane pamusoro peshoko iri. 7Zvino, nharo huru dzakati dzavapo, Petirosi akasimuka akati kwavari,
“Varume, hama, munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari akanditsanangura pakati penyu, kuti vahedheni vanzwe shoko reVhangeri nomuromo wangu, vatende. 8Zvino Mwari, muzivi womwoyo, wakavapupurira, akavapa Mweya Mutsvene sesu; 9haana kutsaura pakati pedu navo, zvaakanatsa mwoyo yavo nokutenda. 10Naizvozvo zvino, munoedzireiko Mwari, muchiisa pamitsipa yavadzidzi joko, rakanga risingagoni kutakurwa namadzibaba edu kunyange nesu? 11Asi tinotenda kuti isu tichaponeswa nenyasha dzaIshe Jesu nomutoo mumwe navo.”
12Ipapo vanhu vazhinji vose vakaramba vanyerere, vakateerera vanaBhanabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo nezvishamiso, zvakaitwa naMwari navo pakati pavahedheni. 13Zvino vakati vanyarara, Jakobho akapindura, akati,
“Varume, hama, nditeererei. 14Simoni akarondedzera matangiro aMwari kumutsa vahedheni, kuti atore kwavari vanhu vezita rake. 15Naizvozvo mashoko avaporofita anobvumira izvozvi; sezvazvakanyorwa, zvichinzi,
16‘Shure kwaizvozvi ndichadzoka,
Ndivake tabhenakeri yaDhavhidhi, yakawa;
Ndichavakazve matongo ayo,
Ndichiimutsa;
17Kuti vakasara kuvanhu vatsvake Ishe,
Navahedheni vose vakadanwa nezita rangu,
18Ndizvo zvinotaura Ishe, unozivisa izvozvi zvose kubva pakutanga kwenyika.’
19“Naizvozvi ini ndinoti, ngatirege kugumbusa avo pakati pavahedheni vakatendeukira kuna Mwari; 20asi tivanyorere kuti varege zvakashatiswa nezvifananidzo, noupombwe, nezvakadzipwa, neropa. 21Nokuti Mosesi kubva pamarudzi ekare, aiva navanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achirawa mumasinagoge Sabata rimwe nerimwe.”
22Ipapo vapostori, navakuru, nekereke yose, vakati zvakanaka kuti vatsanangure varume pakati pavo, vavatumire Andioki pamwechete naPauro naBhanabhasi, vaiti: Judhasi ainzi Bhasabhasi, naSirasi, vakuru pakati pehama. 23Vakanyora tsamba, vakaituma navo, yaiti, “Vapostori navakuru pahama, kuhama dzokuvahedheni paAndioki, napaSiria, napaKirikia; mufaro! 24Zvatakanzwa, kuti vamwe vakabva kwatiri, vatisina kurayira, vakakukanganisai namashoko, vachidziyanisa mweya yenyu, 25takati nomwoyo mumwe zvakanaka kuti titsanangure varume, tivatumire kwamuri, pamwechete naBhanabhasi naPauro, vadikanwi vedu; 26vanhu vakazvidza upenyu hwavo nokuda kwezita raIshe wedu, Jesu Kristu. 27Zvino tatuma Judhasi naSirasi, ivo vanozokuudzai vamene izvozvi nomuromo. 28Nokuti Mweya Mutsvene nesu takati zvakanaka, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru kune zvinhu izvi zvakafanira, 29zvinoti: Regai zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, noupombwe; kana mukazvidzora pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka.”
30Zvino vakati vaendeswa, vakaburukira Andioki; vakaunganidza vanhu vazhinji, vakavapa tsamba. 31Ivo vakati vairava, vakafara zvikuru pamusoro pokuvaraidzwa. 32Judhasi naSirasi, vaiva vaporofita vamene, vakavaraidza hama namashoko mazhinji, nokuvasimbisa. 33Vakati vagarako nguva, vakaendeswa nehama nomufaro, vakaenda kuna vakanga vavatuma.
34[Asi Sirasi akati zvakanaka kusarapo.]
35Pauro naBhanabhasi vakagara Andioki, vachidzidzisa nokuparidza shoko raIshe, navamwe vazhinjiwo.
Rwendo rwechipiri rwaPauro
36Zvino mamwe mazuva akati apfuura, Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Ngatidzokezve tindoshanyira hama muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raIshe, tione kuti vakadini.”
37Zvino Bhanabhasi akanga achida kutora Johaniwo, ainzi Mako; 38asi Pauro akati hazvina kunaka kumutora iye, akambovasiya Pamufiria, akasaenda navo kubasa. 39Ipapo kutsamwirana kukavapo, nokudaro vakaparadzana, Bhanabhasi akatora Mako, akaenda Saipurasi nechikepe; 40asi Pauro wakatsanangura Sirasi; akaenda, akaiswa nehama panyasha dzaIshe; 41akagura neSiria neKirikia, achisimbisa kereke.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 15: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: