Mabasa 16
16
1Akasvikawo paDhebhe neRisitira. Zvino ipapo paiva nomumwe mudzidzi, ainzi Timoti, mwanakomana womukadzi mutendi, aiva muJudha; asi baba vake vaiva muGiriki. 2Iye aipupurirwa zvakanaka nehama dzapaRisitira neIkonio. 3Pauro akada kuti aende naye, akamutora, akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vose vakanga vachiziva kuti baba vake muGiriki. 4Vakafamba namaguta, vakavapa zvirevo zvakatemwa navapostori navakuru vapaJerusaremu, kuti vazvichengete. 5Naizvozvo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuverengwa kwadzo zuva rimwe nerimwe.
6Vakagura nenyika yeFirigiya neyeGaratiya, vambodziviswa naMweya Mutsvene kuparidza shoko paAsia. 7Zvino vakati vasvika pakatarisana neMisiya, vakaedza kuenda Bhitiniya, asi Mweya waJesu haana kuvatendera. 8Vakati vapfuura Misiya, vakaburukira Turoasi.
9Chiratidzo chikaonekwa naPauro usiku; murume weMakedhonia akanga amire, akakumbira zvikuru kwaari, achiti, “Yambukirai Makedhonia, utibatsire.”
10Zvino akati aona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kuenda Makedhonia, tichiti, Mwari atidana kuti tindovaparidzira Vhangeri.
Pauro naSirasi paFiripi
11Naizvozvo takabva Turoasi nechikepe, tikaruramira Samotirake; fume mangwana tikasvika Neapori; 12tikabvapo, tikaenda Firipi, guta guru renyika yeMakedhonia, raiva koroni yeRoma; tikagara mamwe mazuva muguta iro.
13Nezuva reSabata tikabuda kunze kwesuo kurwizi, pataiti vanenge vanonyengeterapo; tikagara pasi, tikaparidzira vakadzi vakanga vaunganapo.
14Zvino mumwe mukadzi, ainzi Ridhia, mutengesi wenguo tsvuku, womusha weTiatira, ainamata Mwari, akatinzwa; Ishe akazarura mwoyo wake, kuti ateerere zvaitaurwa naPauro. 15Akati abhabhatidzwa, iye naveimba yake, akakumbira zvikuru, achiti, “Kana muchiti ndakatenda kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare.” Akatitendisa.
16Zvino takati tichipinda panzvimbo yokunyengetera, tikasangana nomumwe musikana aiva nomweya wokuuka, aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuuka kwake. 17Iye akatevera Pauro nesu, akadanidzira, achiti, “Vanhu ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vanokuparidzirai nzira yokuponeswa nayo.” 18Akaita izvozvo mazuva mazhinji. Zvino Pauro akafa neshungu, akatendeuka, akati kumweya, “Ndinokurayira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari.” Ukabuda nenguva iyeyo.
19Zvino vatenzi vake vakati vachiona kuti tariro yokufumiswa kwavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pavabati, 20vakaenda navo kuvatongi, vakati, “Vanhu ava vaJudha, vanopesanisa guta redu, 21vachiparidza tsika dzatisina kutenderwa kugamuchira, kana kuita, isu vaRoma.” 22Ipapo vanhu vazhinji vakavamukira vose, vatongi vakavabvarurira nguo dzavo, vakarayira kuti varohwe neshamhu. 23Zvino vakati vavarova zvikuru, vakavaisa mutorongo, vakarayira murindi wetorongo kuti avachengete kwazvo. 24Iye akati arayirwa kudaro, akavaisa mutorongo yomukati, akasunga makumbo avo mumatanda.
25Zvino panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera nokuimbira Mwari nziyo; vakanga vakasungwa vakavateerera. 26Pakarepo kudengenyeka kwenyika kukuru kukavapo, naizvozvo nheyo dzeimba dzikazununguswa; pakarepo misuo yose yeimba ikazarurwa, nemisungo yavose ikasununguka. 27Ipapo murindi wetorongo akapepuka, ndokuona mikova yetorongo yakazaruka, akavhomora munondo wake, akada kuzviuraya, achiti vasungwa vatiza. 28Ipapo Pauro akadanidzira nezwi guru, akati, “Usazvikuvadza, nokuti tiri muno tose.”
29Zvino akati akumbira mwenje, akamhanyiramo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, achibvunda; 30akavabudisira kunze, akati, “Vatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?”
31Vakati, “Tenda kuna Ishe Jesu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako.” 32Vakaparidza shoko raMwari kwaari navose vaiva mumba make. 33Akavatora nenguva iyoyo yousiku, akakupa mavanga avo, ndokubhabhatidzwa pakarepo, iye navose vake. 34Akaenda navo mumba make, ndokuisa zvokudya pamberi pavo, akafara zvikuru, iye nemhuri yake yose, achitenda kuna Mwari.
35Zvino kwakati kwaedza vatongi vakatuma mapurisa, vachiti, “Sunungurai vanhu vaya.”
36Murindi wetorongo akaudza Pauro mashoko iwayo, achiti, “Vatongi vatuma shoko kuti musunungurwe; naizvozvo budai henyu zvino, muende norugare.”
37Asi Pauro akati kwavari, “Vakatirova pachena, isu vanhu vaRoma tisina kutongwa, vakatiisa mutorongo; zvino voda kutibudisa chinyararire here? Haiwa kwete! Ngavauye vamene vatibudise.”
38Mapurisa akaudza vatongi mashoko iwayo; vakatya vachinzwa kuti vaRoma; 39vakasvika, vakakumbira zvikuru kwavari; vakavabudisa, mutorongo ndokuvakumbira kuti vabve muguta ravo.
40Ipapo vakabuda mutorongo, vakapinda mumba maRidhia; vakaona hama, vakavanyaradza, ndokuenda.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 16: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: