Mabasa 26
26
1Zvino Agiripa akati kuna Pauro, “Unotenderwa kuzvidavirira.” Ipapo Pauro akatambanudza ruoko rwake, akazvidavirira, achiti, 2“Mambo Agiripa, ndinozvikorokotedza, zvandingazvidavirira nhasi pamberi penyu pamusoro pezvose zvandinokwirirwa nazvo navaJudha; 3zvikuru nokuti munoziva tsika dzose namashoko ose pakati pavaJudha; naizvozvo ndinokumbira kwamuri, kuti mundinzwe nomwoyo murefu.
4“VaJudha vose vanoziva mafambiro angu, kubva pauduku hwangu, aiva pakati porudzi rwangu napaJerusaremu, kubva pakutanga; 5vakandiziva kare, kana vachida kupupura, kuti ndaiva muFarisi, nedzidziso yokupira kwedu yakaisvorurama. 6Nazvino ndinomira pano, kuti nditongwe nokuda kwokutarira chipikirwa chakapikirwa madzibaba edu naMwari. 7Marudzi edu ane gumi namaviri anoshumira Mwari usiku namasikati, achiti achasvika pachipikirwa icho. Pamusoro pokutarira uku, imi mambo, ndinokwirirwa navaJudha. 8Munofungireiko imi kuti hazvingatendwi kuti Mwari angamutsa vakafa?
9“Zvino neni ndaiti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta. 10Ndakazviitawo paJerusaremu, ndikapfigira vatsvene vazhinji mutorongo, ndapiwa simba navapristi vakuru; uye kana vaiurawa, neni ndaibvumirawo. 11Nomumasinagoge ose ndaivatambudza, ndichivaroverera kuti vashonhe Mwari; ndikanyanya kuvapengera, ndikavatambudza kusvikira kumaguta ari kure nenyika ino.
12“Ndakati ndichaita izvozvi, ndikaenda Dhamasiko nesimba uye nomurayiro wavapristi vakuru, 13zvino, mambo, masikati makuru, ndiri munzira, ndikaona chiedza chaibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichindipenyera kumativi ose navandaifamba navo. 14Zvino takati tawira pasi tose, ndikanzwa izwi richiti kwandiri norurimi rwechiHebheru, ‘Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko? Zvinokuremera kupfura zvibayiso.’
15“Ndikati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’ Ishe akati, ‘Ndini Jesu, waunotambudza. 16Asi simuka, umire namakumbo ako; nokuti ndazviratidza kwauri nezvizvi, kuti ndikuite munyai nechapupu chezvawakaona, nezvandichazviratidza nazvo kwauri; 17ndichakurwira kuvanhu nokuvahedheni, vandinokutumira kwavari; 18kuti usvinudze meso avo, vabve murima, vaende kuchiedza, nokubva pasimba raSatani, vaende kuna Mwari, kuti vagamuchire ruregerero rwezvivi zvavo, nenhaka pakati pavakaitwa vatsvene, nokutenda kwandiri.’
19“Naizvozvo, mambo Agiripa handina kuramba kuteerera chiratidzo chokudenga; 20asi ndakatanga kuparidza kuna veDhamasiko, nokuna veJerusaremu, nenyika yose yeJudhea, nokuvahedheni, kuti vatendeuke, varingire kuna Mwari, vaite mabasa akafanira kutendeuka. 21Pamusoro paizvozvi vaJudha vakandibata mutemberi, vakaedza kundiuraya. 22Asi ndakabatsirwa naMwari, ndikamira kusvikira zuva ranhasi, ndichipupurira vaduku navakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu asi zvakataurwa navaporofita naMosesi, kuti zvichaitika; 23zvokuti Kristu akafanira kutambudzika, nokutanga kumuka kuvakafa, aparidzire vanhu navahedheni chiedza.”
24Zvino akati achizvidavirira saizvozvo, Fesito akati nezwi guru, “Pauro, unopenga; kudzidza kwako kukuru kunokupenza.”
25Asi Pauro akati, “Handipengi, Fesito akakurumbira; asi ndinotaura mashoko amazvokwadi noouchenjeri. 26Nokuti mambo andinotaura naye ndisingatyi, vanoziva izvozvi, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pakavanda.
27“Mambo Agiripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda.”
28Agiripa akati kuna Pauro, “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku.”
29Pauro akati, “Ndinonyengetera kuna Mwari kana nenguva duku, kana nehuru, kuti musava imi moga, asi vose vanondinzwa nhasi, vaitwe seni, asi vasina zvisungo izvi.”
30Ipapo mambo akasimuka, nomubati, naBherinike, navakanga vagere navo; 31vakabuda vakataurirana, vakati, “Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana kusungwa.” 32Ipapo Agiripa akati kuna Fesito, “Munhu uyu dai asina kuzviisa kuna Kesari angadai asunungurwa.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 26: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: