Mabasa 7
7
1Mupristi mukuru akati, “Zvinhu izvi ndizvo nhai?” 2Iye akati, “Varume, hama, namadzibaba, inzwai, Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahamu, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani, 3akati kwavari, ‘Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza.’ 4Ipapo akabuda munyika yavaKaridhia, akagara Harani. Zvino baba vake vakati vafa, Mwari akamutamisa ipapo kunyika ino yamugere zvino. 5Asi haana kumupa nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake, asi akamupikira kuti achamupa iyo, ive yake neyavana vake vaizomutevera, asati atongova nomwana. 6Mwari akataura, achiti, vana vake vachava vatorwa kunyika yavamwe; vachavaita varanda, nokuvaonesa nhamo makore ana mazana mana. 7Rudzi rwavachava varanda varwo, ndicharutongesa, ndizvo zvinoreva Mwari; shure kwaizvozvo vachabuda, vachandishumira panzvimbo iyi. 8Akamupa sungano yedzingiso. Zvino Abhurahamu akabereka Isaka, akamudzingisa nezuva rorusere; Isaka akabereka Jakobho; naJakobho akabereka matateguru ane gumi namaviri.
9“Matateguru zvaakanga achigodora Josefa, vakamutengesa, akaiswa Ijipiti; Mwari akava naye. 10Akamurwira panhamo dzake dzose, akamubatsira kuti adikanwe naFarao, mambo weIjipiti, ave nokuchenjera pamberi pake; iye akamuita mutariri weIjipiti noweimba yake yose. 11Zvino nzara ikasvika paIjipiti yose neKanani, nenhamo huru; madzibaba edu akashayiwa zvokudya. 12Zvino Jakobho, akati anzwa kuti kuIjipiti kune zviyo, pakutanga akatuma madzibaba edu. 13Parwendo rwechipiri Josefa akazikanwa navakuru vake; rudzi rwaJosefa rukaonekwa naFarao. 14Zvino Josefa akavatuma kundodana Jakobho, baba vake, nehama dzake dzose, vanhu vaiva namakumi manomwe navashanu. 15Jakobho akaburukira Ijipiti; akazofa, iye namadzibaba edu; 16vakaiswa Ishekemu vakavigwa pabwiro hwakanaka hwakatengwa naAbhurahamu nomutengo wesirivha kuvanakomana vaEmori paIshekemu.
17“Zvino nguva yechipikirwa chakanga chapikirwa Abhurahamu naMwari, yakati ichiswedera, vanhu vakawanda, vakaita vazhinji muIjipiti; 18kusvikira mumwe mambo akamuka muIjipiti, akanga asina kuziva Josefa.
19“Iye akabata rudzi rwedu namano, akatambudza madzibaba edu, akavarayira kuti varase vacheche vavo, kuti varege kuraramiswa. 20Nenguva iyo Mosesi akaberekwa, akanga akaisvonaka kwazvo; akarerwa mwedzi mitatu mumba mababa vake; 21zvino akati araswa, mukunda waFarao akamunonga, akamurera kuti ave mwanakomana wake. 22Mosesi akadzidziswa uchenjeri hwose hwavaIjipiti; akava nesimba pamashoko napamabasa ake.
23“Zvino akati asvika makore ana makumi mana, mwoyo wake ukada kushanyira hama dzake, vana vaIsiraeri. 24Akaona mumwe achiitirwa zvisakarurama, ndokumurwira, akauraya muIjipiti, achitsiva akanga achitambudzwa. 25Akati, zvimwe hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari akanga achida kuvaponesa noruoko rwake; asi havana kunzwisisa. 26Fume mangwana akavaona vachikakavara, akaedza kuvayananisa, achiti, ‘Varume, muri hama, munoitirana zvisakarurama neiko?’
27“Zvino iye akanga achiitira wokwake zvisakarurama akamusundira kure, achiti, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu? 28Unoda kundiuraya, sezvawakauraya muIjipiti zuro kanhi?’ 29Mosesi akatiza achinzwa shoko iri, akandova mutorwa kunyika yeMidhiani, kwaakandobereka vanakomana vaviri.
30“Zvino makore makumi mana akati apera, mutumwa akaonekwa naye murenje regomo reSinai, mumurazvo womoto mugwenzi. 31Mosesi akati achizviona, akashamiswa nezvaakaona; zvino akati achiswedera kuzocherekedza, izwi raIshe rikanzwika, richiti, 32‘Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho.’ Ipapo Mosesi akadedera, akatya kucherekedza. 33Ishe akati kwaari, ‘Bvisa shangu patsoka dzako, nokuti apo paunomira ivhu dzvene. 34Ndakaona hangu kwazvo kutambudzika kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndakanzwa kugomera kwavo, ndaburuka kuzovarwira; zvino uya ndikutume Ijipiti.’
35“Uyu Mosesi wavakaramba, vachiti, ‘Ndiani wakakuita mubati nomutongi?’ Ndiye akatumwa naMwari nomutumwa akaonekwa naye mugwenzi, kuti ave mubati nomudzikinuri.
36“Iye akavabudisa, akaita zvinoshamisa nezviratidzo munyika yeIjipiti, nomuGungwa Dzvuku, nomurenje, makore ana makumi mana. 37Ndiyeye Mosesi akati kuvana vaIsiraeri, ‘Mwari achakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, akafanana neni.’ 38Ndiyeye akanga ari kuungano murenje, anomutumwa akataura naye mugomo reSinai, anamadzibaba eduwo, akagamuchira mashoko mapenyu kuzotipa.
39“Ndiye, wavakanga vasingadi kumuteerera ivo madzibaba edu; vakamuramba, vakadzokera Ijipiti nemwoyo yavo.
40“Vakati kuna Aroni, ‘Tiitire vamwari, vangatitungamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, akatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi zvakaitika naye.’ 41Zvino vakaita mhuru namazuva iwayo, vakauya nechibayiro kuchifananidzo chavo, vakafarira mabasa amaoko avo. 42Zvino Mwari akavafuratira, akavarega kuti vashumire hondo yokudenga, sezvazvakanyorwa mubhuku yavaporofita, zvichinzi,
‘Ko makandivigira zvipfuwo zvakabayiwa nezvibayiro
Makore makumi mana murenje,
imi, imba yavaIsiraeri here?
43Makatakura tabhenakeri yaMoroki,
Nenyeredzi yamwari wenyu Remifani,
Zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate;
Ndichakutamisai mberi kweBhabhironi.’
44“Madzibaba edu aiva netabhenakeri youchapupu murenje, yakanga yakavakwa sezvaakarayira iye, akataura naMosesi, achiti aiite nomufananidzo waakaona. 45Yakati yagamuchirwa namadzibaba edu, vakapinda nayo naJoshua munyika yavahedheni, vakadzingwa naMwari pamberi pamadzibaba edu, kusvikira pamazuva aDhavhidhi; 46iye akanzwirwa nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuvakira Mwari waJakobho pokugara. 47Soromoni akamuvakira imba.
48“Asi Wokumusoro-soro haagari mudzimba dzakavakwa namaoko, sezvazvakarehwa nomuporofita, achiti,
49‘Denga ndicho chigaro changu choushe,
Nenyika chitsiko chetsoka dzangu;
Muchandivakira imba yakadiniko?
Ndizvo zvinoreva Ishe;
Kana nzvimbo yandingazorora pairi ndeipi?
50Ko ruoko rwangu haruna kuita
izvovi zvose here?’
51“Imi vemitsipa mikukutu, musina kudzingiswa pamwoyo nenzeve, munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene; samadzibaba enyu, nemiwo. 52Ndoupiko pavaporofita asina kutambudzwa namadzibaba enyu? Vakauraya avo vaiparidza kuuya kwoWakarurama, iye wamakapandukira nokumuuraya zvino. 53Iyemi, makapiwa murayiro sezvawakarayiwa navatumwa, mukasauchengeta.”
54Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakamugedagedera meno. 55Asi iye azere naMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari, 56akati, “Tarirai, ndinoona denga rakazarurwa, noMwanakomana womunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.”
57Zvino vakadanidzira nezwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira kwaari vose pamwechete; 58vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka namabwe; zvapupu zvikaisa nguo dzazvo patsoka dzejaya, rainzi Sauro. 59Vakataka Sitefano, achidana achiti, “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.” 60Akapfugama, akadanidzira nezwi guru, achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati areva izvozvo, akabva afa.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 7: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: