Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaEfeso 2

2
Makaponeswa nenyasha
1Akakuraramisai imi, makanga makafa nokudarika kwenyu nezvivi zvenyu, 2izvo zvamaifamba mukati mazvo kare, netsika dzenyika ino, nenzira dzomuchinda wesimba redenga, dzomweya anobata zvino muvana vokusateerera; 3vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokwokufunga kwedu, nopakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa.
4Zvino Mwari ane nyasha zhinji-zhinji, nokuda kworudo rwake rukuru, rwaakatida narwo, 5kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, akatiraramisa pamwechete naKristu makaponeswa nenyasha; 6akatimutsa pamwechete naye, akatigarisa kudenga pamwechete naye muna Kristu Jesu; 7kuti nenguva dzinouya aratidze pfuma huru-huru yenyasha dzake paunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu; 8nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari; 9hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu anozvikudza. 10Nokuti tiri basa rake, takasikwa kuti muna Kristu Jesu tiite mabasa akanaka, akagadzirwa kare naMwari kuti tifambe maari.
VaJudha navahedheni vakayananiswa muna Kristu Jesu
11Naizvozvo rangarirai, kuti imi vahedheni munyama, mainzi “Vasina, kudzingiswa” naivo vanonzi, “Vokudzingiswa,” kuri munyama, kunoitwa namaoko; 12kuti nenguva iyo makanga musina Kristu, muri vatorwa paushe hwavaIsiraeri, muri vaeni pasungano dzechipikirwa, musina tariro, musina Mwari panyika.
13Asi zvino muna Kristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu. 14Nokuti ndiye rugare rwedu, iye akaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwaiparadzanisa; 15zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murayiro wezvakarayirwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo; 16kuti mumuchinjikwa ayananisezve vose vaviri, vave muviri mumwe kuna Mwari, zvaakauraya kuvengana naiwo muchinjikwa; 17akasvika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiva kure, norugare kuna ivo vaiva pedyo; 18nokuti isu tose tinopinda naiye noMweya mumwe kuna Baba.
19Naizvozvo, hamuzati muchiri vaeni navatorwa, asi matova pamwechete navatsvene, neveimba yaMwari. 20Makavakwa pamusoro penheyo dzavapostori navaporofita, Kristu Jesu amene ari ibwe rapakona. 21Maari imba yose yakasanganiswa kwazvo, inokura, ive temberi tsvene muna Ishe.
22Maari nemiwo makavakwa pamwechete, kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.

Zvasarudzwa nguva ino

VaEfeso 2: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda