VaEfeso 4
4
MuMweya tiri vamwe
1Naizvozvo ini musungwa muna Ishe, ndinokumbira zvikuru kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako, 2nokuzvininipisa kwose nounyoro, nomwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo; 3muchishingaira kuchengeta umwe hwoMweya muchisungo chorugare. 4Kuno muviri mumwe, noMweya mumwe, sezvamakadanwawo mutariro imwe yokudanwa kwenyu; 5Ishe mumwe, nokutenda kumwe; norubhabhatidzo rumwe, 6naMwari mumwe, naBaba vavose, ari pamusoro pavose, anoshanda muna vose, ari mukati mavose.
7Asi mumwe nomumwe wedu akapiwa nyasha nechiyero chechipo chaKristu. 8Naizvozvo anoti,
“Akakwira kumusoro akatapa vatapwa,
Akapa vanhu zvipo.”
9Zvino kuti, “Akakwira, chinyiko,” asi kuti, akaburukawo kumativi ari pasi penyika? 10Akaburuka ndiye akakwirawo kumusoro-soro kwedenga rose, kuti azadzise zvose. 11Zvino akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe vaporofita, vamwe vaparidzi, vamwe vafudzi navadzidzisi; 12kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, nerokuvaka muviri waKristu; 13kudzamara isu tose tisvike paumwe hwokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari, napamunhu wakura, napachiyero choukuru hokuzara kwaKristu; 14kuti tirege kuramba tichingova vacheche, tichizununguswa nokudzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera; 15asi tireve chokwadi murudo, tigokura maari pazvose, iye Kristu, Musoro; 16muviri wose wakasanganiswa zvakanaka maari nokubatanidzwa nenhengo dzose dzinosimbisa, mutezo mumwe nomumwe uchibata basa nechiyero chawo kuti muviri ukuriswe pakuvakwa kwawo murudo.
Mufambiro mutsva womukristu
17Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi muna Ishe, ndichiti, musaramba muchifamba savahedheni, vanofambawo noupenzi hwokurangarira kwavo, 18vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo nokuda kwoukukutu hwomwoyo yavo; 19vakazvipa vasina hanya kuutere, kuti vabate mabasa ose etsvina nookuchiva.
20Asi imi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo, 21kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri chokwadi muna Jesu: 22kuti pamufambiro wenyu wokutanga mubvise munhu wekare; unoodzwa nokuchiva kwokunyengetera; 23muvandudzwe mumweya wokurangarira kwenyu, 24mupfeke munhu mutsva, akasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwechokwadi.
25Naizvozvo bvisai nhema, mutaure chokwadi, mumwe nomumwe kunowokwake; nokuti tiri mitezo, mumwe womumwe. 26Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa; 27musapa Dhiabhori nzvimbo.
28Akaba, ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti atambudzike abate namaoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa anoshaiwa. 29Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakaora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa. 30Regai kuchemedza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaisirwa chisimbiso maari kusvikira pazuva rokudzikinurwa. 31Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri; 32muitirane mwoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.
Zvasarudzwa nguva ino
VaEfeso 4: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: