Ekisodho 13
13
Murayiro wamatangwe
1Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, 2“Nditsaurirei madangwe ose; zvose zvinotanga kuzarura chizvaro pakati pavana vaIsiraeri, kana kuvanhu kana kuzvipfuwo, ndezvangu.”
3Zvino Mosesi akati kuvanhu, “Rangarirai zuva iri ramakabudiswa naro paIjipiti, paimba youranda, nokuti Jehovha akakubudisai pano noruoko rune simba; chingwa chakaviriswa ngachirege kudyiwa nemi. 4Nhasi munobuda nomwedzi weAbhibhi. 5Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, yaakambopikira madzibaba ako, kuti achakupa iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, unofanira kundoita basa iri nomwedzi uno. 6Unofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe; pazuva rechinomwe Jehovha ngaaitirwe mutambo. 7Chingwa chisina kuviriswa ngachidyiwe mazuva manomwe; chingwa chakaviriswa ngachirege kuonekwa kwauri, kunyange mbiriso ngairege kuonekwa kwauri panyika yako yose. 8Udza mwanakomana wako nomusi iwoyo, uti, ‘Ndizvo zvinoratidza zvandakaitirwa naJehovha musi wandakabuda Ijipiti.’ 9Chinofanira kuva chiratidzo kwauri paruoko rwako, nechirangaridzo pakati pameso ako, kuti murayiro waJehovha uve mumuromo mako; nokuti Jehovha akakubudisa paIjipiti noruoko rune simba. 10Naizvozvo unofanira kuchengeta murayiro uyu nenguva yawo gore rimwe nerimwe.
11“Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKenani, sezvaakakupikira iwe namadzibaba ako, akakupa iyoyo, 12unofanira kusanangurira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, nezvokutanga zvose pazvipfuwo zvaunazvo, zvirume ndezvaJehovha. 13Mwana wokutanga wembongoro unofanira kuudzikinura negwayana, kana usingadi kuudzikinura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo; madangwe ose avanhu pakati pavanakomana vako unofanira kuadzikinura. 14Zvino kana mwanakomana wako achizokubvunza panguva inouya, akati, ‘Chinyiko ichi?’ Uti kwaari, ‘Jehovha akatibudisa noruoko rune simba paIjipiti paimba youranda; 15nokuti panguva iyoyo Farao yaakaramba kutitendera kuenda, Jehovha akauraya madangwe ose enyika yeIjipiti, madangwe ose avanhu navana vemhongora dzezvipfuwo;’ naizvozvo ndinobayira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana zviri zvirume; asi madangwe ose avanakomana vangu ndinoadzikinura. 16Ichi chichava chiratidzo paruoko rwako, norundanyara pameso pako; nokuti Jehovha akatibudisa paIjipiti noruoko rune simba.”
VaIsiraeri vanobuda Ijipiti
17Zvino Farao akati aregedza vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvafambisa nenzira yapanyika yavaFirisitia, kunyange yaiva pedyo, nokuti Mwari akati, “Zvimwe vanhu vangazvidemba, kana vachiona kurwa, vakadzokera Ijipiti;” 18asi Mwari akapotesa vanhu nokure, nenzira yokurenje rapaGungwa Dzvuku; vana vaIsiraeri vakabuda panyika yeIjipiti vakashonga nhumbi dzokurwa.
19Mosesi akatora mapfupa aJosefa, akaenda nawo; nokuti akanga apikisa vana vaIsiraeri, achiti, “Zvirokwazvo Mwari achakushanyirai, muchabva pano, mugoendawo namapfupa angu.”
20Zvino vakatanga rwendo rwavo vakabva Sukoti, vakandovaka misasa yavo paEtamu, pamucheto werenje. 21Jehovha akavatungamirira masikati neshongwe yegore rokuvaperekedza panzira, usiku neshongwe yomoto yokuvavhenekera, kuti vafambe masikati nousiku. 22Shongwe yegore yakanga isingabvi pamberi pavanhu masikati, kana shongwe yomoto usiku.
Zvasarudzwa nguva ino
Ekisodho 13: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: