Ekisodho 18
18
Jeturo anoshanyira Mosesi
1Zvino Jeturo, mupristi weMidhiani, mukarahwa waMosesi, akanzwa zvose zvakaitira Jehovha Mosesi navaIsiraeri, vanhu vake, kuti Jehovha akabudisa vaIsiraeri muIjipiti. 2Jeturo, mukarahwa waMosesi, akatora Zipora, mukadzi waMosesi, nokuti akanga amudzosera kuna baba vake, 3navanakomana vake vaviri zita romumwe rainzi Geshomi, nokuti akati, “Ndakanga ndiri mweni panyika yavamwe”; 4nezita romumwe rainzi Ereazari, nokuti akati, “Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu, akandirwira pamunondo waFarao.” 5Jeturo mukarahwa waMosesi akauya navanakomana vaMosesi nomukadzi wake kuna Mosesi murenje, pagomo raMwari, paakanga avaka misasa; 6akati kuna Mosesi, “Ini mukarahwa wako, Jeturo, ndauya kwauri nomukadzi wako navanakomana vake vaviri vanaye.” 7Mosesi akandosangana nomukarahwa wake, akakotamira pasi pamberi pake, akamutsvoda; vakabvunzana mufaro, vakapinda mutende. 8Zvino Mosesi akaudza mukarahwa wake zvose zvakanga zvaitira Jehovha Farao navaIjipiti nokuda kwavaIsiraeri, nokutambudzika kwose kwakavawira panzira nokurwirwa kwavo naJehovha. 9Jeturo akafara pamusoro pezvose zvakanaka zvakanga zvaitirwa vaIsiraeri naJehovha, kuti akavarwira pamaoko avaIjipiti. 10Jeturo akati, “Jehovha ngaakudzwe akakurwirai pamaoko avaIjipiti, napamaoko aFarao, iye akarwira vanhu pamaoko avaIjipiti. 11Zvino ndinoziva kuti Jehovha mukuru kuvamwari vose pachinhu icho chavakazvikudza nacho kwavari.” 12Ipapo Jeturo, mukarahwa waMosesi, akauya kuna Mwari nechipiriso chokupisa nezvimwe zvibayiro; Aroni navakuru vose vaIsiraeri vakauya vakadya zvokudya nomukarahwa waMosesi pamberi paMwari. 13Zvino fume mangwana Mosesi akagara achitambira vanhu mhaka dzavo, vanhu vakamira pamberi paMosesi kubva mangwanani kusvikira madekwana. 14Zvino mukarahwa waMosesi akati achiona zvose zvaakanga achiitira vanhu akati, “Unoitireiko vanhu zvinhu izvi? Unogarireiko uri woga, vanhu vachimira pamberi pako kubva mangwanani kusvikira madekwana?” 15Mosesi akati kumukarahwa wake, “Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzobvunza Mwari; 16kana vane shoko vanosiuya kwandiri; ndinositamba mhaka dziri pakati pomunhu nowokwake, ndichivazivisa zvakatemwa naMwari nemirairo yake.”
17Zvino mukarahwa waMosesi akati kwaari, “Chinhu ichi chaunoita hachina kunaka. 18Zvirokwazvo uchaneta kwazvo, iwe navanhu vaunavo; nokuti chinhu ichi chinokuremera; haungagoni kuchiita uri woga. 19Teerera zvino izwi rangu, ndikurairire, Mwari agova newe. Iwe umirire vanhu pamberi paMwari, uise mashoko avo kuna Mwari; 20uvadzidzise zvakatemwa nemirairo, uvaratidze nzira yavanofanira kufamba nayo, nebasa ravanofanira kuita. 21Asi utsvake pakati pavanhu vose varume vezvokwadi vanovenga kufufurwa; uvaite vabati vavo vezvuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi; 22ivo ngavatambire vanhu mhaka dzavo nguva dzose; zvino kana pane shoko guru, ngavariise kwauri, asi kana ari mashoko maduku ngavaatambe vamene; naizvozvo iwe ucharerusirwa, naivo vachatakura mutoro pamwechete newe. 23Kana ukaita chinhu ichi, Mwari akakuraira saizvozvo, iwe uchagona kutsunga, navanhu ava vose vachaenda kudzimba dzavo norugare.”
24Mosesi akateerera izwi romukarahwa wake, akaita zvose zvaakanga audzwa naye. 25Mosesi akatsaura varume vakachenjera pakati pavaIsiraeri vose, akavaita vakuru vavanhu, vabati vezviuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi. 26Ivo vakatamba mhaka dzavanhu nguva dzose; mashoko makuru vaisiuya nawo kuna Mosesi, asi mashoko ose maduku vaiatamba vamene.
27Zvino Mosesi akatendera mukarahwa wake kuenda hake; iye akaenda kunyika yake.
Zvasarudzwa nguva ino
Ekisodho 18: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: