Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 2

2
Kuberekwa kwaMosesi, anouraya muIjipiti, ndokutizira Midhiani
1Zvino mumwe murume weimba yavaRevhi akawana mukunda wavaRevhi. 2Mukadzi akava nemimba, akabereka mwanakomana; zvino akati achiona kuti mwana akanaka, akamuvanza mwedzi mitatu. 3Akati asisagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe, akainamira nebhitumini nenamo, akaisa mwana mukati mayo, akaigadzika pakati petsanga pamhenderekedzo dzorwizi. 4Hanzvadzi yake ikandomira kure zvishoma, kuti azive zvichaitwa naye.
5Zvino mukunda waFarao akaburuka kundoshamba murwizi, vasikana vake vakafamba-famba pamhenderekedzo dzorwizi; iye akaona tswanda pakati petsanga, ndokutuma musikana wake kundoitora. 6Akaizarura, akona mwana, mwana wechikomana, onei anochema. Akamunzwira ngoni, akati, “Ndomumwe wavana vavaHebheru.”
7Ipapo hanzvadzi yake yakati kumukunda waFarao, “Ko handingaendi ndikakudanirai mumwisi kuvakadzi vavaHebheru, kuti akumwisirei mwana here?”
8Mukunda waFarao akati kwaari, “Enda.” Musikana akaenda, akandodana mai vomwana. 9Mukunda waFarao akati kwavari, “Tora mwana uyu, undimwisire ndigokupa mubayiro wako.” Mukadzi akatora mwana, akandomuyamwisa. 10Mwana akakura, akandomuisa kumukunda waFarao, akava mwanakomana wake, akamutumidza zita rinonzi Mosesi, akati, “Nokuti ndamunyukura mumvura.”
11Zvino namazuva iwayo Mosesi akura, akaenda kundoona hama dzake, akandotarira mirimo yavo; akaona muIjipiti achirova muHebheru, mumwe wehama dzake. 12Akaringa-ringa, zvino achiona kuti hapana munhu aripo, akauraya muIjipiti, akamuviga mujecha. 13Akabudazve nezuva rechipiri, akaona varume vaviri vaHebheru vachirwa; akati kuna iye waiva nemhosva, “Unorovereiko munhu wokwako?”
14Iye akati, “Ndianiko akakuita ishe nomutongi wedu? Unoda kundiuraya ini sezvawakauraya uya muIjipiti kani?” Mosesi akatya, akati, “Zvirokwazvo, chinhu ichi chazikanwa.” 15Zvino Farao akati anzwa chinhu icho, akatsvaka kuuraya Mosesi. Asi Mosesi akatiza pamberi paFarao, akandogara kunyika yeMidhiani, akagara pasi patsime.
16Zvino mupristi weMidhiani akanga ana vakunda vanomwe; ivo vakauya kuzochera mvura, vakazadza zvinwiro, kuti vanwise makwai ababa vavo. 17Vafudzi vakauya, vakavadzingapo, asi Mosesi akasimuka, akavabatsira, akanwisa makwai avo. 18Zvino vakati vachisvika kuna Rueri, baba vavo, ivo vakati, “Makurumidza kudzoka seiko nhasi?”
19Vakati, “MuIjipiti akatirwira pamaoko avafudzi, akaticherera mvura, akanwisa makwai.”
20Akati kuvakunda vake, “Zvino aripiko? Munhu uyu mamusiyirei? Mudanei, adye zvokudya.”
21Mosesi akatenda kugara nomunhu uyo; akapa Mosesi mukunda wake Zipora. 22Akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Geshomi, nokuti akati, “Ndakanga ndiri mutorwa munyika yavamwe.”
23Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, mambo weIjipiti akafa, vana vaIsiraeri vakagomera nokuda kwouranda hwavo, vakadanidzira, kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nokuda kwouranda. 24Mwari akanzwa kugomba kwavo, Mwari akarangarira sungano yake naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho. 25Mwari akaona vana vaIsiraeri, Mwari akavarangarira.

Zvasarudzwa nguva ino

Ekisodho 2: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda