Ekisodho 24
24
Mosesi navakuru vanokwirazve mugomo
1Zvino iye akati kuna Mosesi, “Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, naNadhabhi naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri, mupfugame muri kure; 2Mosesi ngaaswedere pedyo naJehovha, asi ivo ngavarege kuswedera pedyo, navanhu ngavarege kukwira naye.”
3Zvino Mosesi akauya akaudza vanhu mashoko ose aJehovha, nezvaakanga atema zvose, vanhu vakapindura nezwi rimwe vakati, “Mashoko ose akarehwa naJehovha tichaaita.” 4Mosesi akanyora mashoko ose aJehovha, akamuka mangwanani, akandovaka atari pasi pegomo, akamisa shongwe dzine gumi nembiri, zvakafanana namarudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri. 5Zvino akatuma majaya avana vaIsiraeri vakapisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nokumubayira zvipiriso zvenzombe zvokuyananisa. 6Mosesi akatora hafu yeropa, akariisa mumidziyo, imwe hafu akasasa paatari. 7Akatora bhuku yesungano, akarava vanhu vachizvinzwa; ivo vakati, “Zvose zvarehwa naJehovha tichazviita, tichateerera.”
8Ipapo Mosesi akatora ropa akarisasa pamusoro pavanhu, akati, “Tarirai ropa resungano yakaitwa naJehovha nemi pamusoro pamashoko iwaya ose.”
9Zvino Mosesi, naAroni, naNadhabhi, naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri vakakwira. 10Vakaona Mwari wavaIsiraeri; pasi petsoka dzake pakanga pakaita samabwe esafiri, zvaionekera sokudenga chaiko. 11Asi haana kutambanudzira ruoko rwake kuvakuru ivavo vavana vaIsiraeri; vakaona Mwari, vakadya, vakanwa.
12Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mahwendefa amabwe anomurayiro nomurau wandanyora, kuti uvadzidzise.” 13Mosesi akasimuka naJoshua, muranda wake, Mosesi akakwira mugomo raMwari, 14akati kuvakuru, “Timirirei pano, kusvikira tichadzokerazve kwamuri; tarirai Aroni naHuri vanemi; ani naani ane mhaka ngaaende kwavari.”
15Zvino Mosesi akakwira mugomo, gore rikafukidza gomo. 16Kubwinya kwaJehovha kukagara pagomo reSinai, gore rikarifukidza mazuva matanhatu; nezuva rechinomwe akadana Mosesi ari mukati megore. 17Kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navana vaIsiraeri kwakaita somoto unopisa kwazvo, uri pamusoro wegomo. 18Mosesi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mosesi akagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku una makumi mana.
Zvasarudzwa nguva ino
Ekisodho 24: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: