Ekisodho 6
6
Jehovha anovapikirazve kuti achavabudisa panyika yeIjipiti
1Jehovha akati kuna Mosesi, “Zvino muchaona zvandichaitira Farao, nokuti achavatendera kuenda noruoko rune simba, uchavadzinga munyika yake noruoko rune simba.”
2Mwari akataurawo naMosesi, akati kwaari, “Ndini JEHOVHA. 3Ndakazviratidza kuna Abhurahamu, nokunaIsaka, nokunaJakobho, ndiri Mwari waMasimbaose, asi ndakanga ndisingazikanwi navo nezita rangu rinonzi JEHOVHA. 4Zvino ndakasimbisa sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika youtorwa hwavo, mavakanga vari vatorwa. 5Ndakanzwa kugomba kwavana vaIsiraeri vakasungwa navaIjipiti pauranda, ndikarangarira sungano yangu. 6Naizvozvo muti kuvana vaIsiraeri, ‘Ndini Jehovha, ini ndichakubudisai pamirimo yavaIjipiti, ndichakusunungurai pauranda hwenyu, ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutonga kukuru.’ 7Ndichakutorai imi kuti muve vanhu vangu, ini ndichava Mwari wenyu, iye anokubudisai pamirimo yavaIjipiti. 8Ndichakuisai kunyika yandakasimudzira ruoko rwangu kuti ndiipe Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichakupai iyo ive nhaka yenyu; ndini Jehovha.” 9Mosesi akataura saizvozvo kuvana vaIsiraeri, asi havana kuteerera Mosesi nokuda kweshungu dzomweya nedzouranda hwakanga uchirema.
10Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, 11“Pinda, undotaura naFarao mambo weIjipiti, kuti atendere vana vaIsiraeri kubuda munyika yake.”
12Mosesi akataura pamberi paJehovha, akati, “Tarirai, vana vaIsiraeri havana kunditeerera; zvino Farao anganditeerera seiko, ini munhu ane miromo isina kudzingiswa?”
13Ipapo Jehovha akataura naMosesi naAroni, akavatuma neshoko kuvana vaIsiraeri nokuna Farao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana vaIsiraeri munyika yeIjipiti.
Marudzi aMosesi naAroni
14Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avo: Vanakomana vaRubheni, dangwe raIsiraeri, vaiva Hanoki, naParu, naHezironi, naKarimi; ndivo vedzimba dzaRubheni. 15Vanakomana vaSimeoni vaiva Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani; ndivo vedzimba dzaSimeoni. 16Ndiwo mazita avanakomana vaRevhi namarudzi avo: Gerishoni, naKohati, naMerari; makore oupenyu hwaRevhi aiva makore ane zana namakumi matanhatu namanomwe. 17Vanakomana vaGerishoni vaiva Ribhini, naShimei, namarudzi avo. 18Vanakomana vaKohati vaiva Amurami, naIzhari, naHebhuroni, naUzieri; makore oupenyu hwaKohati aiva makore ane zana namakumi matatu namatatu. 19Vanakomana vaMerari vaiva Makiri, naMushi. Ndivo vedzimba dzavaRevhi pamarudzi avo.
20Amurami akawana Jokebhedhi, hanzvadzi yababa vake, iye akamuberekera Aroni naMosesi; makore oupenyu hwaAmurami aiva makore ane zana namakumi matatu namanomwe. 21Vanakomana vaIzhari vaiva Kora naNefegi, naZikiri. 22Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, naErizafani, naSitiri.
23Aroni akawana Erishebha, mukunda waAminadhabhu, hanzvadzi yaNashoni, iye akamuberekera Nadhabhi naAbhihu, naEreazari, naItamari. 24Vanakomana vaKora vaiva Asiri, naErikana, naAbhiasafi; ndivo vedzimba dzavaKora. 25Ereazari, mwanakomana waAroni, akawana mumwe wavakunda vaPutieri, iye akamuberekera Pinehasi. Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avaRevhi nemhuri dzavo.
26Ndivo vaya vanaAroni naMosesi vakanzi naJehovha, “Budisai vana vaIsiraeri munyika yeIjipiti nehondo dzavo.” 27Ndivo vakataura naFarao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana vaIsiraeri muIjipiti; ndivo vaya vanaMosesi naAroni.
Mosesi naAroni vanoita zvishamiso zvavo pamberi paFarao
28Nomusi iwoyo Jehovha akataura naMosesi munyika yeIjipiti, 29Jehovha akataura naMosesi, akati, “Ndini Jehovha; udza Farao, mambo weIjipiti, zvinhu zvose zvandakakuudza.”
30Ipapo Mosesi akati pamberi paJehovha, “Tarirai, ndiri munhu ane miromo isina kudzingiswa, zvino Farao achanditeerera seiko?”
Zvasarudzwa nguva ino
Ekisodho 6: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: