Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 3

3
1Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, chidya chaunowana; chidya rugwaro urwu rwakapetwa uende, undotaura neimba yaIsiraeri.”
2Ipapo ndakashamisa muromo wangu, iye akandidyisa rugwaro rwakapetwa. 3Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, dyisa dumbu rako, ugutise hura hwako norugwaro rwakapetwa urwu rwandinokupa.” Ipapo ndikarudya, rukava mumukanwa wangu sohuchi nokuzipa.
4Zvino akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, famba uende kuimba yaIsiraeri, utaure kwavari mashoko angu.
5“Nokuti hautumwi kurudzi runo mutauriro usingazikanwi norurimi rwakaoma, asi kuimba yaIsiraeri; 6hautumwi kumarudzi mazhinji anomutauriro usingazikanwi norurimi rwakaoma, vausingagoni kunzwisisa mashoko avo. Zvirokwazvo, dai ndaikutuma kwavari vangadai vaikunzwa. 7Asi imba yaIsiraeri icharamba kukunzwa, nokuti havadi kundinzwa ini, nokuti imba yose yaIsiraeri vane huma dzakaoma, nomwoyo mikukutu. 8Tarira, ndinoomesa chiso chako sezvakaita zviso zvavo, nehuma yako sezvakaita huma dzavo. 9Ndakaomesa huma yako sedhaimani rinokunda musarasara; usavatya, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo iimba inondimukira simba.”
10Akatiwo kwandiri, “Mwanakomana womunhu, mashoko angu ose andichataura kwauri, uagamuchire mumwoyo mako, uanzwe nenzeve dzako. 11Famba uende kuna vari mukutapwa, kuvana vavanhu vako, utaure navo uvaudze uti, ‘Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kana vachida kunzwa, kana vasingadi.’ ”
12Ipapo Mweya akandisimudza, ndikanzwa shure kwangu mubvumo wokuunga kukuru, zvichiti, “Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe panzvimbo yake.” 13Ndikanzwa mubvumo wamapapiro ezvipenyu, achigunzvana, nomubvumo wamakumbo engoro kumativi azvo, uri mubvumo wokuunga kukuru.
14Ipapo Mweya wakandisimudza, ndokundibvisapo; ndikaenda ndine shungu, mweya wangu wakatsamwa; ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu nesimba. 15Zvino ndakasvika kuna vaiva mukutapwa paTeriabhibhi, vakanga vagere parwizi rwaKebhari, ipapo pavakanga vagere; ini ndikagarapo pakati pavo mazuva manomwe ndichishayiwa mashoko.
Ezekieri anodanwa ave nharire yaIsiraeri
16Zvino mazuva manomwe akati apera, shoko raJehovha rikasvika kwandiri richiti,
17“Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharire yeimba yaIsiraeri; naizvozvo chinzwa shoko rinobva mumuromo mangu, uvanyevere panzvimbo yangu.
18“Kana ini ndikati kuno akaipa, ‘Zvirokwazvo uchafa,’ iwe ukasamunyevera, kana kutaura zvinonyevera akaipa panzira yake yakaipa, kuti aponese upenyu hwake, munhu uyu akaipa achafira muzvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako. 19Asi kana iwe ukanyevera akaipa, akasatendeuka pazvakaipa zvake, kana panzira yake yakaipa, iye achafira muzvakaipa zvake, asi iwe waponesa hako mweya wako.
20“Uyezve, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa; zvausina kumunyevera, achafira muzvivi zvake; zvakarurama zvaakaita hazvingarangarirwi, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
21“Asi kana ukanyevera munhu akarurama, kuti akarurama arege kutadza, iye akasatadza, zvirokwazvo achararama, nokuti wakateerera kunyeverwa, newe waponesa mweya wako.”
22Ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu ipapo, akati kwandiri, “Simuka, uende kubani, ndichataura newe ipapo.”
23Zvino ndakasimuka, ndikaenda kubani, ndikaona kubwinya kwaJehovha kumirepo, kwakafanana nokubwinya kwandakaona parwizi rwaKebhari; ndikawira pasi nechiso changu. 24Ipapo Mweya akapinda mandiri, akandimisa namakumbo angu, akataura neni, akati kwandiri, “Enda, undozvipfigira mumba mako. 25Asi iwe, Mwanakomana womunhu, tarira, vachauya nezvisungo kwauri, vachakusunga nazvo, kuti urege kubudira pakati pavo; 26ini ndichanamatirisa rurimi rwako mumukanwa wako, kuti uve mbeveve, urege kuva murayiri wavo; nokuti ivo iimba inondimukira simba. 27Asi kana ndichitaura newe, ndichashamisa muromo wako, iwe ugoti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, anonzwa ngaanzwe, anoramba, ngaarambe; nokuti ivo iimba inondimukira simba.’ ”

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 3: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda