Zvino nyoka yakanga ina mano kupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Ikati kumukadzi, “Nhai, ndizvo here kuti Mwari akati, ‘Regai kudya miti yose yomunda?’ ” Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero yemiti pamunda, asi kana iri michero yomuti uri pakati pomunda, Mwari akati, ‘Regai kuudya, kana kuubata, kuti murege kufa.’ ” Nyoka ikati kumukadzi, “Hamungafi zviro kwazvo, nokuti Mwari anoziva kuti nomusi amunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero yawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo.
Verenga chikamu Genesi 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 3:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo