Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 39

39
Josefa nomukadzi waPotifari
1Josefa akanga aburutsirwa Ijipiti; Potifari, gota raFarao, mukuru wavarindi, muIjipiti, akamutenga pamaoko avaIshimaeri, vakanga vamuburutsira Ijipiti. 2Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; akagara mumba matenzi wake muIjipiti. 3Tenzi wake akaona kuti Jehovha anaye, uye kuti Jehovha akafambisa zvakanaka zvose zvaaiita namaoko ake. 4Josefa akawana nyasha kwaari, akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake; zvose zvaakanga anazvo akazviisa pamaoko ake. 5Zvino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowazvose zvaakanga anazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuIjipiti nokuda kwaJosefa; kuropafadza kwaJehovha kwakanga kuri pamusoro pezvose zvaakanga anazvo mumba nokumunda. 6Waisiya zvose zvaakanga anazvo pamaoko aJosefa; iye anaye, haazairangarira chinhu, asi zvokudya zvake zvoga zvaaidya.
Zvino Josefa akanga anomuviri wakanaka, akanakawo pachiso. 7Zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake akatarira Josefa, akati, “Vata neni.” 8Asi iye akaramba, akati kumukadzi watenzi wake, “Tarirai, nokuda kwangu tenzi wangu haarangariri zviri mumba, asi akaisa zvose zvaanazvo pamaoko angu; 9hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imi moga; nokuti muri mukadzi wake; zvino ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?” 10Zvino akati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye, 11nenguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe varume veimba imomo. 12Ipapo akamubata nguo yake, akati, “Vata neni;” iye akasiya nguo yake muruoko rwake, akabuda panze. 13Zvino akati achiona kuti asiya nguo yake muruoko rwake, atiza, aenda, 14akadana varume veimba yake, akataura navo akati, “Tarirai, iye akauyisa muHebheru pakati pedu kuti atidadire; akapinda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neizwi guru. 15Zvino akati achinzwa kuti ndinodanidzirisa ndichiridza mhere, akasiya nguo yake neni, akatiza, akabuda panze.”
16Akachengeta nguo yake kusvikira tenzi wake achipinda mumba. 17Akataura kwaari mashoko iwayo akati, “Muranda muHebheru awakaisa pakati pedu, akauya kwandiri kuti andidadire. 18Ndikadanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya nguo yake neni, akatizira panze.”
19Tenzi wake akati achinzwa mashoko aakaudzwa nomukadzi wake, achiti, “Ndizvo zvandaitirwa nomuranda wako,” hasha dzake dzikamuka. 20Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza mutorongo, paisungwa vasungwa vamambo; akava mutorongo. 21Asi Jehovha akava naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe ngoni nomutariri wetorongo. 22Mutariri wetorongo akapa mumaoko aJosefa vasungwa vose vakanga vari mutorongo; iye akanga ari muiti wezvose zvaiitwamo. 23Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nokuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa.

Zvasarudzwa nguva ino

Genesi 39: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda