Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 45

45
Josefa anozvizivisa kuvakoma vake, uye anovatuma kundotora baba vake
1Zvino Josefa haana kugona kuzvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, “Budisai vanhu vose vari pano neni.” Zvino kwakanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake. 2Akachema kwazvo, vaIjipiti naveimba yaFarao vakazvinzwawo. 3Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, “Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here?” Vana vababa vake vakasagona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake. 4Josefa akati kuvana vababa vake, “Doswederai henyu kwandiri.” Zvino vakaswedera. Iye akati, “Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Ijipiti. 5Zvino musazvidya mwoyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu. 6Nokuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo. 7Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vachasara panyika, ndikuraramisei kuti musunungurwe nokusunungurwa kukuru. 8Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari; iye akandiita baba kuna Farao nashe weimba yake yose, nomubati wenyika yose yeIjipiti. 9Kurumidzai, mukwire kuna baba vangu, mundoti kwavari, ‘Zvanzi naJosefa, mwanakomana wenyu, Mwari akandiita ishe weIjipiti rose; burukirai kwandiri musanonoka; 10mugare panyika yeGosheni, mugova pedyo neni, imi, navanakomana venyu, navana vavana venyu, namakwai enyu, nemombe dzenyu, nezvose zvamunazvo; 11ndichakuchengetaipo, nokuti mamwe makore mashanu enzara achiripo, kuti murege kuzova varombo, imi, naveimba yenyu, nezvose zvamunazvo.’ 12Tarirai meso enyu anoona, nameso omun'una wangu Bhenjamini kuti muromo wangu unotaura kwamuri. 13Mundoudza baba vangu kukudzwa kwangu kwose paIjipiti, nezvose zvamaona; mukurumidze kuburutsira baba vangu kuno.”
14Akawira pamutsipa waBhenjamini, mun'una wake, akachema, naiye Bhenjamini akachema pamutsipa wake. 15Akatsvoda vakoma vake vose, akachema pamusoro pavo; shure kwaizvozvo vakoma vake vakataura naye.
16Zvino mukurumbira wazvo wakanzwika mumba maFarao, zvichinzi, “Vana vababa vaJosefa vasvika!” Farao navaranda vake vakafara naizvozvo. 17Farao akati kuna Josefa, “Iti kuvana vababa vako, ‘Itai chinhu ichi: Takudzai zvipfuwo zvenyu, mufambe, muende kunyika yeKenani; 18mundotora baba venyu navedzimba dzenyu muuye kwandiri; ndichakupai zvinhu zvakaisvonaka zvenyika yeIjipiti, mudye zvakakora zvenyika.’ 19Zvino varairwa, chiita izvozvo; torerai vana venyu vaduku navakadzi venyu ngoro panyika yeIjipiti, mundotora baba venyu, muuye. 20Musafunga nhumbi dzenyu, nokuti zvakaisvonaka zvenyika yose yeIjipiti ndezvenyu.”
21Vanakomana vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvaakarairwa naFarao, akavapa mbuva yokufamba nayo. 22Akapa vose, mumwe nomumwe nguo dzakanaka; asi Bhenjamini akamupa mashekeri ana mazana matatu esirivha nenguo dzakanaka shanu.
23Nababa vake akavatumira mbongoro dzine gumi, dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, namakadzi embongoro ane gumi akanga akatakura zviyo, nechingwa, nezvokudya zvababa vake zvorwendo. 24Zvino akatendera vana vababa vake kuenda, vakabva; akati kwavari, “Chenjerai, musatukana munzira.”
25Ipapo vakabva Ijipiti, vakakwira, vakandosvika kunyika yeKenani kuna Jakobho, baba vavo. 26Vakavaudza, vakati, “Josefa achiri mupenyu; ndiye mubati wenyika yose yeIjipiti.” Ipapo mwoyo wavo wakati rukutu, nokuti havana kutenda.
27Vakavaudza mashoko ose aJosefa; zvino vakati vaona ngoro dzakanga dzatumwa naJosefa kuzovatakura, mweya waJakobho, baba vavo, ukaponazve; 28Isiraeri akati, “Zvaringana! Josefa, mwanakomana wangu achiri mupenyu; ndichaenda ndimuone ndisati ndafa.”

Zvasarudzwa nguva ino

Genesi 45: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda