Genesi 46
46
Jakobho anoenda Ijipiti
1Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro. 2Mwari akataura naIsiraeri nezviratidzo usiku,
akati, “Jakobho! Jakobho!”
Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
3Akati, “Ndini Mwari,
iye Mwari wababa vako;
usatya hako kuburukira Ijipiti;
nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko;
4ndichaburukira Ijipiti newe,
ndigokudzosazve zvirokwazvo;
Josefa ndiye achatsika meso ako.”
5Jakobho akasimuka, akabva Bheerishebha; vanakomana vaIsiraeri vakatakura Jakobho baba vavo, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, nengoro dzakanga dzatumwa naFarao kuti dzivatakure. 6Vakatora mombe dzavo nenhumbi dzavo dzavakanga vawana munyika yeKenani, vakasvika Ijipiti, Jakobho navanakomana vake vose pamwechete naye; 7vanakomana vake, navana vavanakomana vake pamwechete naye, navakunda vake, navakunda vavanakomana vake, navose vorudzi rwake, vakaenda navo Ijipiti.
8Ndiwo mazita avana vaIsiraeri vakasvika Ijipiti: Jakobho, navanakomana vake, vachiti: Rubheni, dangwe raJakobho. 9Navanakomana vaRubheni: Hanoki, naParu, naHezironi, Karami. 10Navanakomana vaSimeoni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, waiva mwanakomana womukadzi weKenani. 11Navanakomana vaRevhi: Gerishoni, naKohati, naMerari. 12Navanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera; asi Zera naOnani vakafira panyika yeKenani. Vanakomana vaPerezi vaiva Hezironi, naHamori. 13Navanakomana vaIsakari: Tora, naPuwa, naJobho, naShimuroni. 14Navanakomana vaZebhuroni: Seredhi, naEroni, naJareeri. 15Ndivo vanakomana vaRea, vaakaberekera Jakobho paPadhanaramu, nomukunda wake Dhina; vanakomana vake navakunda vake vose vaiva vanhu vana makumi matatu navatatu.
16Navanakomana vaGadhi: Zifioni, naHagi, naShumi, naEzibhoni, naEri, naArodhi, naAreri. 17Navanakomana vaAsheri: Imuna, naIshivha, naIshivhi, naBheria, naSera, hanzvadzi yavo; navanakomana vaBhiriha vaiva Hebheri, naMakieri. 18Ndivo vanakomana vaZiripa, Rabhani waakapa Rea, mukunda wake; akaberekera Jakobho vanhu ava vane gumi navatanhatu.
19Vanakomana vaRakeri, mukadzi waJakobho, vaiva Josefa naBhenjamini. 20Josefa akaberekerwa Manase naEfuremu panyika yeIjipiti, ndivo vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni. 21Navanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naAshibheri naGera, naNaamani, naEhi, naRoshi, naMupimi, naHupimi, naAdhi. 22Ndivo vanakomana vaRakeri, vakaberekerwa Jakobho; vose vaiva vane gumi navana.
23Navanakomana vaDhani: Hushimi. 24Navanakomana vaNafutari: Jazeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi. 25Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakobho; vose vaiva vanomwe.
26Zvino vanhu vose vakauya naJakobho Ijipiti, vakanga vabuda pachiuno chake, vakadzi vavanakomana vaJakobho vasingaverengwi, vose vaiva vanhu vana makumi matanhatu navatanhatu. 27Vanakomana vaJosefa vaakanga aberekerwa Ijipiti vaiva vanhu vaviri; vose veimba yaJakobho vakauya Ijipiti, vaiva vanhu vana makumi manomwe.
28Akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti amuratidze nzira inoenda Gosheni. 29Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosangana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, akachema pamutsipa wavo nguva huru. 30Isiraeri akati kuna Josefa, “Zvino ngandichifa hangu, nokuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu.”
31Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba vababa vake, “Ini ndichakwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, ‘Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKenani, vasvika kwandiri’; 32varume ava vafudzi, nokuti vaipfuwa zvipfuwo; vauya namakwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo. 33Zvino kana modanwa naFarao, akati, ‘Basa renyu nderei?’ 34Muti, ‘Varanda venyu vaiva vapfuwi vezvipfuwo kubva paucheche hwedu kusvikira zvino, isu namadzibaba edu;’ kuti mugare munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza vaIjipiti.”
Zvasarudzwa nguva ino
Genesi 46: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: