VaHebheru 13
13
Mashoko okupedzisira okuraira
1Rudo pakati pehama ngarugare. 2Musakanganwa kuitira vaeni rudo; nokuti vachidaro vamwe vakagarisa vatumwa mumba, vasingazvizivi. 3Fungai vakasungwa, somunenge makasungwa pamwechete navo; naivo vanoitirwa zvakaipa, somunenge muri mumuviri imiwo.
4Kuwanana ngakukudzwe navose, nenhoo ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari achatongesa mhombwe navanofeva.
5Musakarira mari pamugariro wenyu; tendai nezvamunazvo; nokuti iye amene akati, “Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.” 6Naizvozvo tinotsunga mwoyo, tichiti,
“Ishe ndiye mubatsiri wangu; handingatyi;
Munhu angandiiteiko?”
7Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai shoko raMwari; cherekedzai kuguma kwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo. 8Jesu Kristu anogara akadaro zuro, nanhasi, nokusingaperi. 9Musatorwa nedzidziso dzimwe dzisingazikanwi; nokuti zvakanaka kuti mwoyo usimbiswe nenyasha; urege kusimbiswa nezvokudya zvisina kubatsira vakafamba mazviri.
10Isu tine aritari, pasingatenderwi kudyiwa navanoshumira tabhenakeri. 11Nokuti mitumbi yezvipfuwo, zvakaisirwa ropa razvo panzvimbo tsvene nomupristi mukuru nokuda kwezvivi, inopiswa kunze kwemisasa. 12Saka naiye Jesuo akatambudzika kunze kwesuo kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake. 13Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemisasa, titakure kunyadziswa kwake. 14Nokuti pano hatina guta richagara, asi tinotsvaka richavapo. 15Naizvozvo ngatirambe tichibayira Mwari naye chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake. 16Asi musakanganwa kuita zvakanaka nokugovana; nokuti Mwari anofara nezvibayiro zvakadai.
17Tererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanochengeta mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingaiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi chinhu.
18Tinyengetererei; nokuti tinoziva kwazvo kuti tine hana yakanaka, zvatinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose. 19Ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti muite izvozvo, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.
Kuonekana
20Zvino Mwari worugare, akadzosa kuvakafa mufudzi mukuru wamakwai, iye Ishe wedu Jesu Kristu, neropa resungano isingaperi, 21ngaakukwanisei pazvinhu zvose zvakanaka, kuti muite kuda kwake, iye achiita mukati medu izvo zvinofadza pamberi pake, naJesu Kristu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
22Asi ndinokurayirai, hama dzangu, kuti mutende neshoko rokurayira, nokuti ndakakunyorerai mashoko mashoma. 23Zivai kuti hama yedu Timoti akasunungurwa; kana akakurumidza kusvika, ndinozokuonai pamwechete naye.
24Ndikwazisirei vatungamiri venyu vose navatsvene vose. VeItariya vanokukwazisai.
25Nyasha ngadzive nemi mose. Ameni.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 13: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: