VaHebheru 3
3
Kristu mukuru kuna Mosesi
1Naizvozvo, hama tsvene, vagoverani neni pakudanwa kunobva kudenga, fungai zvakanaka Mupostori noMupristi mukuru wokupupura kwedu, iye Jesu, 2akanga akatendeka kuna iye akamugadza, saMosesiwo mumhuri yake yose.
3Nokuti uyu akanzi akafanira kukudzwa kupfuura Mosesi, muvaki weimba wezvaanokudzwa kupfuura imba; 4nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi iye, akavaka zvose, ndiye Mwari. 5Zvino Mosesi akanga akatendeka muimba yake yose somuranda, kuti ave chapupu chezvinhu zvaifanira kuzotaurwa, 6asi Kristu soMwanakomana, akaiswa pamusoro pemhuri yake; iye, tiri mhuri yake isu, kana tikabatisisa kusvika pakuguma kusatya kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo. 7Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene, achiti,
“Nhasi, kana muchinzwa izwi rake,
8Musaomesa mwoyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa,
Napazuva rokuedzwa murenje;
9Pandakaedzwa namadzibaba enyu vachindinetsa,
Vakaona mabasa angu makore ana makumi mana.
10Naizvozvo ndakanzwa shungu pamusoro porudzi urwu,
Ndikati, ‘Vanogara vachitsauka pamwoyo yavo;
Asi havana kuziva nzira dzangu;’
11Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati,
‘Havangapindi pazororo rangu.’ ”
Vanotenda voga ndivo vanopinda pazororo
12Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomwoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kuna Mwari mupenyu, 13asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchanzi, “Nhasi;” kuti kurege kuva nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi. 14Nokuti tava vagoverani pamwechete naKristu, kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma; 15zvichinzi,
“Nhasi, kana muchinzwa izwi rake,
Musaomesa mwoyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa.”
16Nokuti ndivanaani vakanzwa, vakamutsamwisa? Havazi ivo vose vakabva Ijipiti naMosesi here? 17Akanzwa shungu makore ana makumi mana pamusoro pavanaani? Havazi ivo vakatadza, mitumbi yavo ikawira murenje here? 18Akapika pamusoro pavanaani kuti havangapindi pazororo rake? Havazi ivo vasina kuteerera here?
19Zvino tinoona kuti vakanga vasingagoni kupinda nokusatenda kwavo.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 3: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: