Isaya 17
17
Chirevo pamusoro peDhamasiko
1Chirevo pamusoro peDhamasiko. Tarirai, Dhamasiko robviswa, rirege kuzova guta, richava dongo rakakoromoka. 2Maguta eAroeri asiyiwa; achava mafuro ezvipfuwo, zvichavatapo pasi, zvisina anozvivhundusa. 3Nhare ichabviswa panaEfuremu, noushe paDhamasiko; vakasara veSiria vachava sembiri yavana vaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
4Zvino nezuva iro ukuru hwaJakobho huchaitwa hutende, uye kukora kwenyama yake kuchaonda. 5Zvichafanana nenguva kana mucheki achiunganidza zviyo mumunda, achicheka hura noruoko rwake; zvirokwazvo zvichafanana nokuunganidza hura pamupata weRefaimi. 6Kunyange zvakadaro mimwe michero ichasariramo, sezvinoitika kana muorivhi uchizuzwa, zvibereko zviviri kana zvitatu kumuromo wedavi rokumusoro-soro, zvina kana zvishanu pamatavi okunze omuti unobereka kwazvo, ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsiraeri.
7Nezuva iro vanhu vachatarira Musiki wavo, meso avo achaona Mutsvene waIsiraeri. 8Havangatariri aritari, iro basa ramaoko avo; zvakaitwa neminwe yavo havangavi nehanya nazvo, kana iri miti yakatsaurwa kana mifananidzo yezuva.
9Nezuva iro maguta avo akasimba achaita samatongo kumatondo napamisoro yamakomo, akasiyiwa nokuda kwavana vaIsraeri; achava matongo.
10Nokuti wakanganwa Mwari Muponesi wako, hauna kurangarira dombo routiziro hwako. Saka unozvisimira miti inofadza, unoisamo midzambiringa yakabva kumwe. 11Nomusi wokusima kwako, unouvakira ruzhowa, fume mangwana unotumbusa mbeu dzako; asi kucheka kunotiza nezuva rokutambudzika nerokuchema kukuru.
Kuparadzwa kwavaAsiria
12Haiwa, kutinhira kwavanhu vazhinji, vanotinhira sokutinhira kwegungwa, nokuririma kwamarudzi avanhu anoririma sokuririma kwemvura zhinji!
13Marudzi acharirima sokuririma kwemvura zhinji; asi uchavatuka, vachatizira kure, vachadzingirirwa sehundi yamakomo pamberi pemhepo, seguruva rinopfungaira pamberi pedutu remhepo.
14Nenguva yamadekwana, tarirai, kuchava nokutyisa; mangwanani kusati kwaedza, havachipo. Ndiwo mugove wavanotipambara, nomubayiro wavanotibira.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 17: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: