Isaya 21
21
Chirevo pamusoro peBhabhironi
1Chirevo pamusoro perenje regungwa. Zvinobva kurenje, kunyika inotyisa, sezvamupupuri zvinopfuura kurutivi rweZasi. 2Ndaratidzwa chiratidzo chinochemedza; munyengeri anoita nokunyengera, nomuparadzi anoparadza. Simuka iwe Erami, komba, iwe Medhia; ndagumisa kugomera kwavo kwose.
3Saka zviuno zvangu zvizere nokurwadziwa; ndabatwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosununguka; ndakotamiswa, saka handigoni kunzwa; ndavhunduswa, saka handigoni kuona.
4Mwoyo wangu une dzungu, ndavhunduswa nezvinotyisa; rubvunzavaeni rwandaida rwasanduka chinhu chinondidederesa. 5Vanogadzira tafura, vanoisa varindi, vanodya, vanonwa. Simukai, imi machinda, muzodze nhoo.
6Nokuti hezvi zvandaudzwa naShe, “Enda, undoisa murindi; ngaareve zvaanoona; 7zvino kana achiona boka, navatasvi vamabhiza vakaita vaviri-vaviri, neboka rembongoro, neboka rangamera, ngaateerere zvakanaka-naka.”
8Iye akadanidzira seshumba, achiti, “Ishe, ndimire nguva dzose masikati pashongwe yokurinda, nousiku hwose ndimire panzvimbo yangu; 9zvino tarirai, kwouya boka ravanhu, vatasvi vamabhiza vakaita vaviri-vaviri.” Akapindura, akati, “Bhabhironi rawa, rawa; mifananidzo yake yose yakavezwa yavamwari vavo yaputsikirwa pasi.”
10Haiwa, vanhu vangu vakapurwa, zviyo zveburiro rangu, zvandakanzwa kuna Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ndizvo zvandakakuzivisai.
Chirevo pamusoro peDuma
11Chirevo pamusoro peDuma. Mumwe anondidana, ari paSeiri, achiti, “Nhai, murindi, inguva ipi yousiku?”
12Murindi ndokuti, “Mambakwedza osvika, nousikuwo. Kana muchida kubvunza, bvunzai; dzokai, uyai.”
Chirevo pamusoro peArabhia
13Chirevo pamusoro peArabhia. Musango reArabhia ndimo mamuchavata, imi mapoka avafambi veDhedhani.
14Vigirai ane nyota mvura! Vagere panyika yeTema vakachingamidza vatizi nechingwa chavo. 15Nokuti vakanga vachitiza minondo, minondo yakavhomorwa, nouta hwakakungwa, nokumanikidzwa kwokurwa.
16Nokuti hezvi zvandakaudzwa naJehovha, “Gore risati rapera, samakore omunhu anobatira mubayiro, mbiri yose yeKedhari ichapera.
17“Vakasara veboka ravanofura nouta, ivo vanhu vane simba vavana veKedhari, vachava vashoma; nokuti Jehovha, Mwari waIsiraeri, akazvitaura.”
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 21: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: