Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 44

44
1“Asi zvino chinzwa, iwe Jakobho, muranda wangu, naIsiraeri wandakasanangura, 2zvanzi naJehovha, akakuita, akakuumba kubvira pachizvaro, achakubatsira, ‘Usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, newe Jeshuruni, wandakasanangura. 3Nokuti ndichadira mvura pamusoro penyika ine nyota, nenzizi pamusoro pevhu rakaoma; ndichadira Mweya wangu pamusoro porudzi rwako, nokuropafadza kwangu pamusoro pavana vako; 4vachamera pakati pouswa, semikonachando pamvura inoyerera.’
5“Mumwe achati, ‘Ndiri waJehovha,’ mumwezve achazvitumidza nezita raJakobho, mumwezve achanyora noruoko rwake, achiti, ‘Ndiri waJehovha, nokutora zita raIsiraeri.’ ”
Jehovha ndiye Mwari mumwe, zvifananidzo hazvina maturo
6Zvanzi naJehovha, Mwari wavaIsiraeri, noMudzikinuri wavo, Jehovha wehondo, “Ndini wokutanga nowokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari. 7Ndianiko angadana seni, nokuzviparidza, nokuzvigadzirira izvo, kubva panguva yandakagadza vanhu vakare-kare? Zvinhu zvinouya, nezvinozoitika, ngavazviparidze izvo. 8Musatya henyu, musavhunduka; handina kukuparidzirai izvozvo kare, nokukuratidzai here? Imi muri zvapupu zvangu. Kunomumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo, hakune rimwe dombo, ini handirizivi.”
9Vose vanoita mifananidzo yakavezwa havana maturo, zvinhu zvavanofarira hazvibatsiri; zvapupu zvavo hazvioni uye hazvizivi, kuti vanyadziswe. 10Ndianiko akaita mwari, kana mufananidzo wakaumbwa, zvisingabatsiri chinhu?
11Tarirai, vose vanomunamatira vachanyadziswa; vakazviita, vanhu havo, ngavaunganidzwe pamwechete, ngavasimuke; vachatya, vachanyadziswa pamwechete. 12Mupfuri anopfura sanhu, anobata namazimbe, nokuriita nenyundo, nokuripfura noruoko rune simba; zvirokwazvo ane nzara, simba rake rinopera, haanwi mvura, ndokuziya. 13Muvezi anotambanudza rwonzi, anotara mufananidzo nepenzura, anounatsa nembezo, anoutara nechienzaniso, ndokuuveza zvakafanana nomunhu, zvakaenzana nomunhu akanaka, kuti ugare mumba. 14Zvino anozvitemera misidhari, ndokutora misipiresi nemiouki, achizvisanangurira mumwe pakati pemiti yomudondo; anosima mupaini, mvura inonaya ndokuukurisa.
15Zvino dzava huni dzomunhu, anotora dzimwe ndokudziya nadzo; zvirokwazvo, anobatidza moto nadzo, ndokubika chingwa; zvirokwazvo, anoveza mwari, ndokumunamata; anoita mufanananidzo wakavezwa, ndokuupfugamira. 16Rumwe rutivi rwawo anopisa nomoto, norumwe rutivi anogocha nyama, anoidya nyama, nokuguta zvirokwazvo, anozvidziyisa, ndokuti, “Haiwa, ndadziya, ndaona moto.” 17Nezvakasara anoita mwari, iwo mufananidzo wake wakavezwa; anoupfugamira, nokuunamata, nokunyengetera kwauri, achiti, “Ndirwirei, nokuti ndimi mwari wangu.”
18Havazivi, uye havarangariri, nokuti wakanamira meso avo, kuti varege kuona, nemwoyo yavo, kuti varege kunzwisisa. 19Hakuna anorangarira, hakuna ruzivo kana njere dzinoti, “Ndapisa rumwe rutivi rwawo mumoto, zvirokwazvo, ndabika chingwa pamazimbe awo; ndagocha nyama ndikaidya; zvino ndingaita chinonyangadza nezvakasara zvawo here? Ndingapfugamira danda romuti here?” 20Anozvigutisa namadota; mwoyo wakanyengerwa wamutsausa, haagoni kusunungura mwoyo wake, kana kuti, “Hakuna nhema muruoko rwangu rworudyi here?”
21Funga zvinhu izvi, iwe Jakobho, naIsiraeri, nokuti ndiwe muranda wangu; ndakakuumba, uri muranda wangu; haiwa Isiraeri, haungakanganikwi neni.
22Ndakadzima kudarika kwako, segore gobvu, nezvivi zvako segore; dzokera kwandiri, nokuti ndakakudzikinura.
23Imba, iwe denga rose, nokuti Jehovha akaita izvozvo; danidzirai, mativi ezasi enyika; imbai zvikuru imi makomo, iwe dondo, nomuti mumwe nomumwe urimo; nokuti Jehovha akadzikinura Jakobho, achazvirumbidza muna Isiraeri.
24Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wako, akakuumba kubva pachizvaro, “Ndini Jehovha, anoita zvinhu zvose, anotatamura denga rose iye oga, anotambanudza nyika (ndiani waiva neni?) 25Iye anoparadza zviratidzo zvavane nhema, anopengesa vauki, anodzosa vachenjeri, achishandura zivo yavo uye upenzi.
26“Iye anosimbisa shoko romuranda wake, anoita zvakarayirirwa nenhume dzake; iye anoti pamusoro peJerusaremu, ‘Richagarwa navanhu,’ napamusoro pamaguta aJudha, ‘Achavakwa, ini ndichamutsa matongo awo;’ 27iye anoti kumvura yakadzika, ‘Chipwa, uye ndichapwisa nzizi dzako;’ 28iye anoti pamusoro paKoreshi, ‘Ndiye mufudzi wangu, achaita zvose zvinondifadza,’ kana achiti pamusoro peJerusaremu ‘Richavakwa,’ uye pamusoro petemberi, ‘Nheyo dzako dzichateyiwa.’ ”

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 44: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda