Isaya 51
51
Kudzoswa kwaIsiraeri
1“Nditeererei, imi munotevera kururama, imi munotsvaka Jehovha; cherechedzai dombo pamakatemwa, negomba romugodhi pamakacherwa. 2Cherechedzai Abhurahamu, baba venyu, naSara akakuberekai; nokuti ndakamudana achiri mumwechete, ndikamuropafadza, ndikamuita vazhinji.
3“Nokuti Jehovha akanyaradza Zioni; akanyaradza matongo aro ose, akashandura renje raro rive seEdheni, nesango raro rive somunda waJehovha; mufaro nokufarisisa zvichawanikwamo, nokuvonga nezwi rokuimba.
4“Ndinzwei, imi vanhu vangu; rerekai nzeve dzenyu kwandiri, imi rudzi rwangu; nokuti ndichatema murayiro, zvakarurama zvangu ndichazviita chiedza chavanhu. 5Kururama kwangu kuri pedyo, ruponeso rwangu rwabuda, maoko angu achatonga vanhu; zvivi zvichandimirira, zvichavimba noruoko rwangu. 6Tarirai kudenga nameso enyu, mucherechedze nyika pasi; nokuti denga rose richanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo; vageremo vachafa sohunyunyu; asi ruponeso rwangu ruchava nokusingaperi, kururama kwangu hakungaperi.
7“Nditeererei, imi munoziva kururama; imi vanhu vanomurayiro wangu pamwoyo yenyu; musatya kuzvidza kwavanhu, musavhunduswa nokutuka kwavo. 8Nokuti zvipfukuto zvichavadya senguo, zviundudzi zvichavadya semvere; asi kururama kwangu kuchavapo nokusingaperi, noruponeso rwangu kusvikira kumarudzi ose.”
9Muka, muka zvifukidze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka sapamazuva akare, sapamarudzi enguva dzakarekare. Ko hamuzimi makagura-gura Rahabhi, mukabaya chikara here? 10Ko hamuzimi makapwisa gungwa, nemvura zhinji yegungwa rakadzika, akashandura nzvimbo dzakadzika dzegungwa mukapaita nzira pangayambuka vakadzikinurwa here? 11Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachaenda Zioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo, vachapiwa mufaro nokufarisisa, kuchema nokugomera kuchapera.
12“Ini, iyeni, ndinokunyaradzai; ndiwe aniko, unotya munhu anozofa, kana Mwanakomana womunhu, achaitwa souswa; 13wakakanganwa Jehovha Muiti wako, akatatamura denga rose, nokuteya nheyo dzenyika; uchingotya zuva rose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, kana achizvigadzira kuparadza here? Ko hasha dzomumanikidzi dziripi? 14Musungwa wakatapwa achakurumidza kusunungurwa, haangafi nokuburukira mugomba, zvokudya zvake hazvingashaikwi.
15“Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire; Jehovha wehondo ndiro zita rake. 16Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruoko rwangu, kuti ndivambe denga rose, nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZioni, ‘Imi muri vanhu vangu.’ ”
17Muka, muka, simuka, iwe Jerusaremu, wakanwa mukombe wokutsamwa kwaJehovha paruoko rwake; wakanwa mukombe wose wokudzedzeresa, ukaupedza kwazvo. 18Hakuna nomumwe pakati pavanakomana vake vose vaakabereka angamutungamirira, hakuna angamubata noruoko pakati pavanakomana vose vaakarera. 19Zvinhu izvi zviviri zvakuwira; ndianiko achakunzwira tsitsi? Kusiyiwa nokuparadzwa, nenzara nomunondo; ndingakunyaradza sei? 20Vanakomana vako vaziya, vavete pamigumo yenzira dzomumusha, semhuka yabatwa mumambure; vazadzwa nokutsamwa kwaJehovha nokutuka kwaMwari wako. 21Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unotambudzika, wakabatwa, asi usina kubatwa newaini.
22Zvanzi naShe wako Jehovha, naMwari wako, unoreverera vanhu vake, “Tarirai, ndakabvisa mukombe wokudzedzeresa paruoko rwako, iwo mukombe uzere nokutsamwa kwangu, haungazounwizve.
23“Ndichauisa muruoko rwavanokutambudza, ivo vakati kwauri, ‘Kotama, tifambe napamusoro pako;’ iwe ukaita musana wako sapasi, senzira yomumusha inofambwa navanhu.”
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 51: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: