Isaya 57
57
1Akarurama anoparara, asi hakuna munhu ane hanya nazvo; navanoda Mwari vanobviswa, kusina munhu anorangarira kuti vakarurama vanobviswa pazvakaipa. 2Anopinda parugare; vanozorora panhoo dzavo, iye mumwe nomumwe, anofamba pakururama kwake.
3Asi swederai pano, imi vanakomana vomuroyi, zvibereko zvemhombwe nechipfeve. 4Munofara pamusoro pani? Munoshamisirani muromo wenyu, nokubudisa rurimi rwenyu? Ko hamuzi vana vokudarika, zvibereko zvenhema, 5iyemi, munozvimutsa pakati pemiouki, napasi pomuti mumwe nomumwe mutema, imi munobaya vana mumipata, pasi pemikaha yamatombo? 6Pakati pamabwe anotedza omupata ndipo panomugove wako; iwo, iwo ndizvo zvawakagoverwa; ndizvo zvawakadururira chipiriso chinodururwa, zvawakavigira chipo. Ko ini ndichayananiswa naizvozvo here?
7Wakawadza nhoo dzako pamusoro pegomo rakareba rakakwirira; ndiko kwawakakwira kundobayira zvibayiro.
8Wakaisa chirangaridzo chako shure kwemikova nezvivhivho, nokuti wakazvifukurira mumwe, asati ari ini, ukakwira; wakakurisa nhoo dzako, ukaita sungano navo; wakada nhoo dzavo kwawakadziwana. 9Ukaenda kuna mambo namafuta, ukawedzera zvinonhuwira zvako, ukatuma nhume dzako kure, ukazvininipisa kusvikira paSheori. 10Wakaneta norwendo rwako rukuru; kunyange zvakadaro hauna kuti, “Hazvina maturo;” wakawana simba rako richivandudzwa, naizvozvo hauna kupera simba.
11Wakatya nokuvhunduka aniko, zvawareva nhema, ukasandirangarira, nokuva nehanya? Ko ini handina kuramba ndinyerere nguva refu, ukasanditya here?
12Ndichaparidza kururama kwako; kana ari mabasa ako, haangakubatsiri. 13Kana uchidanidzira, avo vawakaunganidza, ngavakurwire; asi mhepo ichavatora, mweya uchavabvisa vose; asi anovimba neni, nyika ichava yake, achagara nhaka yegomo rangu dzvene.
14Zvichanzi, “Tutirai, tutirai, gadzirai nzira, bvisa chigumbuso panzira yavanhu vangu.”
15Nokuti zvanzi noAkakwirira Arikumusoro, anogara mukusingaperi, ane zita rinonzi Dzvene, “Ndinogara pakakwirira napanzvimbo tsvene, uye noano mweya wakapwanyika anozvininipisa, kuti ndiponesezve mweya woanozvininipisa, ndiponesezve mwoyo wowakapwanyika. 16Nokuti handingarwi nokusingaperi, handingatsamwi nguva dzose; nokuti mweya ungapera simba pamberi pangu, nemweya yandakasika.
17“Nokuti ndakanga ndakatsamwa nokuda kwokuipa kwokuchiva kwake, ndikamurova; ndakavanza chiso changu, ndikatsamwa; akaramba achingotsauka nenzira yakada mwoyo wake.
18“Ndakaona nzira dzake, asi ndichamuporesa, ndichamufambisawo, nokumunyaradzazve iye navanomuchema. 19Ndini ndinosika zvibereko zvemiromo; zvanzi naJehovha, ‘Rugare, rugare kunoari kure nokunoari pedyo, ndichamuporesa.’ 20Asi vakaipa vakafanana negungwa rakabvongodzwa; nokuti harigoni kuzorora, asi mvura yaro inobudisa matope namarara. 21Zvanzi naMwari wangu, ‘Vakaipa havana rugare.’ ”
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 57: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002