Jakobho 2
2
Regai kutsaura vanhu
1Hama dzangu, kutenda kwenyu kuna Ishe wedu Jesu Kristu, iye wokubwinya, ngakurege kuva nokutenda zvinoonekwa zvomunhu. 2Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu ane mhete yendarama, akapfeka nguo dzakanaka, mukapindawo murombo, akapfeka nguo dzakaipa; 3mukatarira uyo akapfeka nguo dzakanaka, mukati, “Gara pano pakanaka;” mukati kumurombo, “Mira papo, kana, gara pasi, pechitsiko chetsoka dzangu;” 4ko hamuna kutsaura mumwoyo yenyu, mukava vatongi vanemifungo yakaipa here?
5Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko Mwari haana kutsanangura varombo venyika here kuti vave vapfumi pakutenda, navadyi venhaka youshe hwaakapikira vanomuda? 6Asi imi makazvidza murombo. Ko havazi vapfumi vanokuremedzai, naivo vanokukwirirai kuzvigaro zvokutonga here? 7Ko havazi ivo vanomhura zita rakanaka ramunotumidzwa naro here?
8Asi zvino kana muchizadzisa murayiro woushe, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ida wokwako sezvaunozvida iwe,” munoita zvakanaka.
9Asi kana muchitenda zvinoonekwa zvomunhu, munoita zvivi, munopiwa mhosva nomurayiro, muchinzi vadariki. 10Nokuti munhu unochengeta murayiro wose, akagumburwa kune chinhu chimwechete, wava nemhosva kunezvose. 11Nokuti iye, akati, “Usaita upombwe, ndiyewo,” akati, “Usauraya.” Zvino, kana asingaiti upombwe, asi achiuraya, wava mudariki womurayiro.
12Taurai, uye itai savanhu vanozotongwa nomurayiro wokusunungurwa. 13Nokuti kutonga hakungavi nengoni kunoasina kuitira vamwe ngoni; ngoni dzinozvirumbidza dzichikunda kutonga.
Kutenda kusina mabasa kwakafa
14Zvinobatsirei hama dzangu, kana munhu achiti, ndinokutenda, asi asina mabasa? Ko kutenda uko kungamuponesa here? 15Kana kune hama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, anoshayiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe, 16mumwe wenyu akati kwavari, “Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute,” musingavapi izvo zvinodikanwa nomuviri, zvinogobatsirei?
17Saizvozvowo, nokutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako. 18Asi mumwe angati, “Iwe unokutenda, neni ndina mabasa; ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, neni ndigokuratidza namabasa angu kutenda kwangu.”
19Iwe unotenda kuti Mwari ndiye mumwechete; unoita zvakanaka; mweya yakaipa inotendawo izvozvo, ichidedera.
20Zvino iwe munhu woupenzi, unoda kuziva here kuti kutenda kusina mabasa kwakafa? 21Ko Abhurahamu, baba vedu, haana kururamiswa namabasa here, nguva yaakabayira mwanakomana wake Isaka paaritari? 22Unoona kuti kutenda kwake kwakabata pamwechete namabasa ake, uye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa; 23rugwaro rukaitika, runoti, “Abhurahamu akatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMwari.” 24Munoona kuti munhu anoruramiswa namabasa, haaruramiswi nokutenda bedzi.
25Saizvozvowo, Rakabhi, chipfeve, haana kururamiswa here namabasa, nguva yaakachingamidza nhume, nokuvaendesa neimwe nzira?
26Nokuti somuviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafawo.
Zvasarudzwa nguva ino
Jakobho 2: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: