Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 50

50
Chirevo pamusoro peBhabhironi
1Shoko, rakataurwa naJehovha pamusoro peBhabhironi, napamusoro penyika yavaKaradhea nomuporofita Jeremiya.
2“Paridzirai pakati pamarudzi, muzvizivise, musimudze mureza, muzvizivise, murege kuvanza, muti, ‘Bhabhironi rakundwa, Bheri wanyadziswa, Merodhaki wavhunduswa; zvifananidzo zvavo zvanyadziswa, matanda avo avhunika.’
3“Nokuti rudzi ruriko runobva kurutivi rwomusoro kuzorwa naro, ruchaita nyika yaro dongo, hakuna uchagaramo; vatiza, vaenda, vanhu nezvipfuo.
4“Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, vana vaIsiraeri vachauya, ivo navana vaJudha pamwechete; vachafamba vachingochema, vachitsvaka Jehovha Mwari wavo. 5Vachabvunza Zioni, vakaringira zviso zvavo ikoko, vachiti, ‘Uyai tizviise kuna Jehovha nesungano isingaperi, isingakanganikwi.’
6“Vanhu vangu akanga ari makwai akarashika, vafudzi vavo vakavarashisa, vakavatsausira kumakomo, vakafamba vachibva kumakomo vachienda kuzvikomo, vakakanganwa nzvimbo yavo yokuzorora.
7“Vose vaivawana vaivadya, navadzivisi vavo vaiti, ‘Hatina mhosva, nokuti vakatadzira Jehovha, ihwo hugaro hwokururama, iye Jehovha, tariro yamadzibaba avo.’ 8Tizai mubve pakati peBhabhironi, budai panyika yavaKaradhea, muve senhongo pamberi pamapoka amakwai.
9“Nokuti tarirai, ndichamutsira Bhabhironi nokuuyisira boka ramarudzi makuru anobva kunyika yokumusoro; vachazvigadzira kuzorwa naro, richakundwa noko; miseve yavo ichava seyemhare yakangwara, isingadzoki isina chayakabata. 10Nyika yeKaradhea ichava chinhu chakapambwa; vose vanoipamba vachaguta ndizvo zvinotaura Jehovha.
11“Kunyange makafara, kunyange muchifarisisa, iyemi munoparadza nhaka yangu, kunyange muchikwakuka setsiru rinopura zviyo, muchirira samabhiza ane simba, 12mai venyu vachanyadziswa kwazvo, ivo vakakuberekai vachakanganiswa; tarirai, vachava rudzi ruri shure kwaose, nesango, nenyika yakaoma, nerenje. 13Nemhaka yokutsamwa kwaJehovha haringagarwi, asi richava dongo chose; mumwe nomumwe unopfuura napaBhabhironi uchashamiswa, ucharidza muridzo pamusoro pamadambudziko aro ose.
14“Muzvigadzire imi mose munofura nohuta kuzorwa neBhabhironi kumativi ose, rifurei, regai kuchengeta miseve, nokuti rakatadzira Jehovha. 15Pururudzai kumativi aro ose, razvirega, shongwe dzaro dzawa, masvingo aro akoromorwa; nokuti ndiko kutsiva kwaJehovha; zvitsivei pamusoro paro, sezvarakaita muriitirewo. 16Paradzai mudyari paBhabhironi, naiye unobata nejeko panguva yokucheka; nemhaka yokutya munondo unomanikidza, mumwe nomumwe uchatendeukira kunowokwake, mumwe nomumwe uchatizira kunyika yake.
17“Isiraeri igwai rakadzingwa-dzingwa, shumba dzakaridzinga; pakutanga mambo weAsiria wakamudya, zvino pakupedzisira Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakavhuna mapfupa ake. 18Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Tarirai, ndicharova mambo weBhabhironi nenyika yake, sezvandakarova mambo weAsiria. 19Ndichadzosera Isiraerizve kumafuro avo, vachafura paKarimeri napaBhashani, mweya wavo uchagutiswa pazvikomo zvaEfuremu napaGireadhi.’ 20Namazuva iwayo nenguva iyo ndizvo zvinotaura Jehovha zvakaipa zvaIsiraeri zvichatsvakwa, asi hazvingavipo, nezvivi zvaJudha, asi hazvingawanikwi; nokuti ndichakanganwira vandakasiya.
21“Endai mundorwa nenyika yeMerataimu, murwe nayo uye navagere Pekodhi; urayai, muparadze chose zviri shure kwavo, muite zvose zvandakakurairai ndizvo zvinotaura Jehovha. 22Mubvumo wokurwa uri munyika, nowokuparadza kukuru. 23Nyundo yenyika yose yagurwa-gurwa nokuvhuniwa sei! Bhabhironi rava dongo sei pakati pamarudzi! 24Ndakakuteyera musungo, ukabatwawo, iwe Bhabhironi, ukasazviziva; wakawanikwa, ukabatwawo, nokuti wakarwa naJehovha. 25Jehovha wakazarura chivigiro chepfuma yake, akabudisa nhumbi dzokurwa dzokutsamwa kwake, nokuti Ishe Jehovha wehondo une basa raanofanira kubata panyika yavaKaradhea. 26Uyai murwe nayo muchibva kumativi ose, zarurai matura aro, muite mirwi, muriparadze chose, regai kusiya chinhu charo. 27Urayai nzombe dzaro dzose, ngadziburukire kundourawa. Vane nhamo, nokuti zuva ravo rasvika, iyo nguva yokurohwa kwavo.
28“Inzwai inzwi ravanotiza navanopukunyuka panyika yeBhabhironi, kundoparidzira paZioni kutsiva kwaJehovha Mwari wedu, iko kutsiva kwetemberi yake.
29“Kokerai vafuri varwe neBhabhironi, ivo vose vanofura nohuta; rikomberedzei nemisasa yenyu yokurwa, kurege kuva nomumwe unopukunyuka; muritsive parakabata napo, zvose zvarakaita iro muriitire saizvozvo nokuti rakaita manyawi pamberi paJehovha, pamberi poMutsvene waIsiraeri. 30Naizvozvo majaya aro achawira pasi munzira dzaro, navarwi varo vose vachanyarara nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha.
31“Tarira, ndine mhosva newe, iwe wokuzvikudza, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha wehondo; nokuti zuva rako rasvika, nguva yandichakurova nayo. 32Unozvikudza uchagumburwa nokuwira pasi, hakuna ungamusimudza; ini ndichabatidza moto mumaguta ake, uchapedza vose vakamupoteredza.
33“Zvanzi naJehovha wehondo, ‘Vana vaIsiraeri navana vaJudha vakamanikidzwa pamwechete; vose, vakavatapa, vakavabata, vanoramba kuvaregedza.’ 34Asi Mudzikinuri wavo une simba, Jehovha wehondo ndiro zita rake; iye uchavareverera mhaka yavo kwazvo, kuti azorodze nyika, nokushaisa vagere Bhabhironi zororo. 35Munondo uri pamusoro pavaKaradhea, napamusoro pavagere Bhabhironi, napamusoro pamachinda aro, napamusoro pavachenjeri varo ndizvo zvinotaura Jehovha. 36Munondo uri pamusoro pavana manyawi, vachava mapenzi; munondo uri pamusoro pemhare dzaro, vachavhunduka. 37Munondo uri pamusoro pamabhiza avo, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavanhu vose vakavengana mukati maro, vachava savakadzi; munondo uri pamusoro pepfuma yaro, ichapambwa. 38Kuoma kuri pamusoro pemvura yaro, ichapwa; nokuti inyika yemifananidzo yakavezwa, vanopengera zvifananidzo.
39“Naizvozvo zvikata zvamarenje zvichagaramo, pamwechete namapere, nemhou dzichagaramo; hapangazogarwi nokusingaperi, hakuna ungagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.
40“Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora namamwe maguta akanga akabatana nawo ndizvo zvinotaura Jehovha saizvozvo hakuna munhu ungagaramo, hakuna mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa.
41“Tarirai, rudzi rwavanhu runobva kurutivi rwokumusoro, rudzi rukuru namadzimambo mazhinji achamutswa abve kumigumo yenyika.
42“Vakabata huta nepfumo, vane hasha, havane nyasha; manzwi avo anotinhira segungwa, vakatasva mabhiza, mumwe nomumwe wakashongedzwa somurwi, kuzorwa newe, iwe mukunda weBhabhironi. 43Mambo weBhabhironi wakanzwa guhu ravo, maoko ake akashaiwa simba, wabatwa nokutambudzika nokurwadziwa sokwomukadzi unosurumuka.
44“Tarirai, uchauya seshumba achibva kumatenhere aJorodhani kuzorwa nohugaro hwakasimba; nokuti ndichavatizisapo pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandichagadzapo; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani uchanditarira nguva? Mufudzi ungamira pamberi pangu ndiani? 45Naizvozvo chinzwai chirevo chaJehovha chaakatema pamusoro peBhabhironi, nemifungo yake yaakafunga pamusoro penyika yavaKaradhea, ‘Zvirokwazvo vachavakwekweredza, ivo vaduku vamapoka avo; zvirokwazvo mafuro avo achashamiswa pamusoro pavo. 46Nyika inodedera nomubvumo wokukundwa kweBhabhironi, kuchema kunonzwika pakati pamarudzi ose.’ ”

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremiya 50: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda