Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 13:1-17

Johani 13:1-17 SNA2002

Zvino mutambo wePasika usati wasvika, Jesu akaziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kuna baba, zvaakanga aida vanhu vake vaiva munyika, akavada kusvikira pakuguma. Zvino vakati voravira, Dhiabhori atoisa mumwoyo maJudhasi Isikarioti, mwanakomana waSimoni, kuti amupandukire; Jesu achiziva kuti baba vakamupa zvinhu zvose mumaoko ake, uye kuti akabva kuna Mwari, uye kuti anoenda kuna Mwari; akasimuka pakurayira, akabvisa nguo dzake, akatora mucheka, akazvisunga chiuno. Zvino akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, akadzipukuta nomucheka, waakanga akazvisunga nawo. Akasvika kuna Simoni Petirosi, iye akati kwaari, “Ishe, imi moshambidza tsoka dzangu kanhi?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Chandinoita hauchizivi zvino; asi uchazvinzwisisa pashure.” Petirosi akati kwaari, “Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nokusingaperi.” Jesu akamupindura, akati, “Kana ndisingakushambidzi, hauna mugove neni.” Simoni Petirosi akati kwaari, “Dzirege kuva tsoka dzangu dzoga, asi maoko angu nomusoro wanguo.” Jesu akati kwaari, “Akashambidzwa muviri wose, anofanira woga kuti ashambidzwe tsoka dzake, zvino wanaka kwazvo; imi makanaka, asi hamusi mose.” Nokuti akanga achiziva uyo aizomupandukira saka akati, “Hamuna kunaka mose.” Zvino akati ashambidza tsoka dzavo, akatora nguo dzake, akagarazve, akati kwavari, “Munoziva zvandakakuitirai here? Munondiidza Mudzidzisi, uye Ishe; munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye. Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. “Ndakakuratidzai makwara kuti muite imi sezvandakakuitirai ini. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Muranda haasi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa mukuru kune akamutuma. Kana muchizviziva izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.

Verenga chikamu Johani 13