Johani 16
16
Jesu anovaudza zvoMweya Mutsvene nokuuya kwake
1“Zvinhu izvi ndakakuudzai, kuti murege kugumburwa. 2Vachakubudisai mumasinagoge; asi nguva inosvika, mumwe nomumwe wakakuurayai, achati anobatira Mwari basa. 3Zvinhu izvi vachaita, nokuti havana kuziva baba, kana ini.
4“Asi ndakakuudzai izvi, kuti kana nguva yazvo yasvika, mugozviyeuka, kuti ndakakuudzai. Handina kukuudzai izvi kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemi. 5Asi zvino ndinoenda kune akandituma; hakuna mumwe wenyu anondibvunza, achiti, ‘Munoendepiko?’ 6Asi zvino mwoyo yenyu yafa neshungu zvandakakuudzai izvi. 7Asi ini ndinokuudzai zvechokwadi, kana ndichiti, zviri nani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
8“Iye kana asvika achazivisa nyika pamusoro pezvivi, napamusoro pokururama, napamusoro pokutongwa; 9pamusoro pezvivi, nokuti havatendi kwandiri; 10pamusoro pokururama, nokuti ndinoenda kuna baba, hamungazondioni; 11pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atongwa kare.
12“Ndine zvizhinji zvandinoda kukuudzai; asi hamugoni kuzvigamuchira zvino.
13“Asi kana asvika, iye Mweya wechokwadi, achakutungamirirai muchokwadi chose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, uye achakuparidzirai zvinouya. 14Achandikudza, nokuti achatora pane zvangu achikuparidzai izvo. 15Zvose baba zvavanazvo, ndezvangu; naizvozvo ndakati, achatora pane zvangu, achikuparidzai izvo.
16“Chinguva chiduku chasara, hamuchazondioni; uyezve chinguva chiduku, muchandiona.”
17Zvino vamwe vavadzidzi vake vakataurirana, vachiti, “Chinyiko ichi chaanoreva kwatiri, kuti, ‘Chinguva chiduku chasara, hamuchazondioni; uyezve, chinguva chiduku, muchandiona, uye, nokuti, ndinoenda kuna baba?’ 18Naizvozvo vakati, chinyiko chaanoti, ‘Chasara chinguva chiduku?’ Hatizivi chaanotaura.”
19Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza, akati kwavari, “Munobvunzana here pamusoro pechinhu ichi chandareva, ndichiti, ‘Chasara chinguva chiduku, hamuchazondioni; uyezve, chinguva chiduku, muchandiona?’
20“Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mucharira nokuchema imi, asi nyika ichafara; imi muchanzwa shungu, asi shungu dzenyu dzichasanduka mufaro.
21“Mukadzi kana achipona, anonzwa shungu, nokuti nguva yake yasvika; asi kana apona mwana, haachafungi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu aponwa panyika. 22Nemi zvino mune shungu; asi ndichakuonaizve, nomwoyo yenyu ichafara; hakuna munhu angakutorerai mufaro wenyu.
23“Nezuva iro hamungazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvose zvamunenge muchakumbira kuna baba, vachakupai izvo muzita rangu. 24Kusvikira zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, muchapiwa, mufaro wenyu uzadzike.
25“Izvi ndakataura kwamuri nemifananidzo, nguva inouya yandisingazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndichakuparidzira pachena zvababa.
26“Nezuva iro muchakumbira muzita rangu; handikuudzii, kuti ndichakunyengeterera ini kuna baba; 27nokuti baba vemene vanokudai, nokuti makandida ini, mukatenda, kuti ini ndakabva kuna baba. 28Ndakabva kuna baba, ndikauya panyika; ndinobvazve panyika, ndichienda kuna baba.”
29Vadzidzi vake vakati, “Tarirai, zvino motaura pachena, hamucharevi nemifananidzo. 30Zvino toziva, kuti munoziva zvose, hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; tinotenda izvozvi kuti makabva kuna Mwari.”
31Jesu akavapindura akati, “Motenda zvino here? 32Tarirai, nguva inouya, yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe kune zvake mukandisiya ndiri ndoga; asi handisi ndoga, nokuti baba vaneni. 33Ndakareva izvozvi kwamuri, kuti muve norugare mandiri. Panyika munotambudzika; asi tsungai mwoyo, ini ndakakunda nyika.”
Zvasarudzwa nguva ino
Johani 16: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: