Jobho 11
11
Zofari anotuka Jobho, anomuraira kurega zvivi zvake nokutendeukira kuna Mwari
1Ipapo Zofari muNaamati akapindura, akati,
2“Ko mashoko mazhinji akadai haangapindurwi here?
Munhu anoshoshoma angaruramisirwa here?”
3Manyawi ako angafanira kunyaradza vanhu here?
Kana uchidadira, hakuna ungakunyadza here?
4Nokuti iwe unoti, “Zvandinoparidza ndezvazvokwadi,
Ndakachena pamberi penyu.”
5Asi, haiwa! Dai Mwari hake achitaura,
Ashamise miromo yake pamusoro pako;
6Akuratidze zvakavanzwa zvokungwara,
Kuti kuna mativi mazhinji.
Uzive naizvozvo kuti Mwari
anokanganwira zvimwe zvakaipa zvako.
7Unganzwisisa zvakadzika zvaMwari here?
Ungakwanisa kunzwisisa iye waMasimbaose here?
8Zvakakwirira sokudenga; iwe ungaiteiko?
Zvakadzika kupfuura hwiro; iwe ungaziveiko?
9Kureba kwazvo kunopfuura nyika,
Uye upamhi hwazvo hunopfuura gungwa.
10Kana iye akapfuura, akapfigira mutorongo,
Akakokera vanhu kukutongwa, ndiani angamudzivisa?
11Nokuti iye anoziva vanhu venhema;
Anoonawo zvakaipa, kunyange asingazvifungi.
12Asi munhu asakachenjera anoshaiwa kunzwisisa,
Zvirokwazvo, munhu anozvarwa semhuru yembizi.
13Kana iwe ukaruramisa mwoyo wako,
Ukatambanudzira maoko ako kwaari;
14Kana zvakaipa zviri muruoko rwako, uzviise kure,
Kusarurama ngakurege kugara mumatende ako;
15Zvirokwazvo ipapo ungasimudza chiso chako, usine gwapa,
Zvirokwazvo, uchasimba, usingatyi, chinhu.
16Nokuti uchakanganwa njodzi yako,
Uchairangarira semvura yapfuura;
17Upenyu hwako huchavara kupfuura masikati makuru;
Kunyange kune rima, kuchava samangwanani.
18Iwe uchasimba pamwoyo, nokuti tariro ichavapo;
Zvirokwazvo, ucharingaringa
ndokuzorora hako akachengetwa.
19Uchavata hako pasi, hakuna angakutyisa;
Zvirokwazvo, vazhinji vachatsvaka kukufadza.
20Asi meso avakaipa achapera nokutarira,
Vachashaiwa pokutizirapo,
Tariro yavo ichava yokufa.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobho 11: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002