Jobho 37
37
Mwari anoonekwa pamabasa ake makuru sapakutinhira nemheni
1Zvirokwazvo mwoyo wangu unobvunduswawo pamusoro paizvozvi,
Uchibviswa panzvimbo yawo.
2Tererai kutinhira kwezwi rake,
Nokuwunga kunobva pamuromo wake.
3Anokutuma pasi pedenga rose,
Nemheni yake kusvikira pamagumisiro enyika.
4Inoteverwa nezwi rinodzvova,
Anotinhira nezwi roumambo hwake.
Haazvidzivisi kana izwi rake richinzwika.
5Mwari anotinhira nezwi rake rinoshamisa;
Anoita zvinhu zvikuru zvatisingagoni kunzwisisa.
6Nokuti anoti kuchando, “Chiwira panyika;”
Saizvozvowo kumvura inopfunha-pfunha,
Uyewo kumvura inoturuka nesimba.
7Anodzivisa ruoko rwomunhu mumwe nomumwe,
Kuti vanhu vose vaakaita vamuzive.
8Panguva iyo zvikara zvinondovanda,
Zvichirambira mumapako azvo.
9Dutu remhepo rinobuda pakamuri rezasi;
Nechando kurutivi rwokumusoro.
10Mazaya echando anopiwa vanhu nomweya waMwari;
Uye mvura mhami inogwamba.
11Anozadza makore matema nomwando,
Anodadanura gore rine mheni yake.
12Rinotendeudzwa nokufambisa kwake,
Kuti zviite zvose zvaanozviraira
Panyika inogarwa navanhu;
13Anoituma kuti zvimwe ive shamhu,
zvimwe ifadze nyika yake,
zvimwe iratidze tsitsi yake.
14Teererai shoko iri, nhasi Jobho;
Chimbomirai murangarire mabasa anoshamisa aMwari.
15Ko munoziva marairirwo azvo naMwari here,
Nokupenyiswa kwemheni yegore rake here?
16Munoziva maturikirwo amakore here,
Namabasa anoshamisa aiye akwana pazivo here?
17Munonzwisisa madziyiro enguo dzenyu,
Kana nyika yakagadzikana nemhepo inobva zasi here?
18Ko mungagona kudadanura denga pamwechete naye,
Iro rakasimba sechioni-oni chakaumbwa here?
19Tidzidzisei zvatingareva kwaari;
Nokuti hatigoni kunyatsoreva nemhaka yerima.
20Ko iye anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here?
Kana ndianiko munhu anoda kumedzwa?
21Zvino vanhu havagoni kutarira
chiedza chinopenya kudenga;
Asi mhepo ichapfuura, ndokurinatsa.
22Kunaka sokwendarama kunobva kurutivi rwokumusoro;
Mwari ano humambo hunotyisa kwazvo.
23Kana ari waMasimbaose, hatigoni
kumunzwisisa; ane simba guru-guru;
Haangatambudzi pakutonga nokururama kukuru.
24Saka vanhu vanomutya;
Haane hanya navane mwoyo yakachenjera.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobho 37: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002