Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 40

40
Jobho anozvininipisa, Mwari anoraira Jobho kuti kana asingatendi kuti Mwari akarurama, iye afambise zvose panyika amene
1Zvino Jehovha akapfuura kupindura Jobho, akati,
2“Ko munhu, anokakavara,
angaita nharo nowaMasimbaose here?
Anoita nharo naMwari ngaapindure.”
3Ipapo Jobho akapindura Jehovha, akati
4“Tarirai, ini ndiri muduku hangu;
ndingakupindurai here?
Ndinofumbira muromo wangu.
5Ndakataura kamwe, asi handingapindurizve;
Zvirokwazvo kaviri, asi handingapamhidzizve.”
6Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari muchamupupuri, akati,
7“Chizvisunga chiuno chako zvino somurume;
Ndichakubvunzisisa, iwe undipindure.
8Ko iwe unoda kukanganisa kutonga kwangu,
Unoda kundipa mhosva, kuti iwe ururamiswe here?
9Iwe unoruoko rwakafanana norwaMwari here?
Iwe ungatinhira nezwi rakafanana nerake here?
10Chizvishongedza zvino noukuru nokukudzwa;
Ufukidze nokurumbidzwa nohumambo.
11Durura hasha dzako dzinopfachuka;
Utarire mumwe nomumwe anozvikudza, umuninipise.
12Tarira mumwe nomumwe anozvikudza, umuderedze.
Tsika pasi vakaipa ipapo pavamire.
13Uvavige pamwechete paguruva;
Sunga zviso zvavo pakavanda.
14Ipapo ndichakurumbidzawo,
Ndichiti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.
15Tarira zvino mvuu, yandakaita pamwechete newe;
Inodya uswa senzombe.
16Tarira zvino simba rayo riri muchiuno chayo;
Kusimba kwayo kuri pamakakava edumbu rayo.
17Inotsvikidza muswe wayo somusidhari;
Marunda ezvitumbi zvayo akarukwa-rukwa.
18Mapfupa ayo akafanana nendarira dzine mhango;
Mbabvu dzayo dzakafanana namazariro amatare.
19Ndiyo huru pamabasa aMwari;
Iye, akaiita, akaipa munondo wayo.
20Zvirokwazvo, makomo anoivigira zvokudya zvayo;
Ipapo panotamba mhuka dzose dzesango.
21Inovata pasi pemiti yemirotusi,
Pamumvuri wetsanga napamurove.
22Miti yemirotusi inoifukidza nomumvuri wayo;
Mikondachando yomurukova inoipoteredza.
23Tarira, kana rwizi rukafema nokunze, haidederi;
Haityi, kunyange Jorodhani rukazara
kusvikira pamuromo wayo.
24Ko munhu ungaibata kana yakarindira here,
Kana kuurura mhino dzayo norwauro here?

Zvasarudzwa nguva ino

Jobho 40: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda