Ruka 14
14
Jesu anoporesa munhu ane mhuka
1Zvino akati apinda mumba momumwe wavakuru vavaFarisi nomusi weSabata kuzodya zvokudya, vakamucherekedza. 2Zvino kwakanga kune mumwe munhu pamberi pake aiva norukandwe. 3Ipapo Jesu akapindura, akataura kuvadudziri vomurayiro nokuvaFarisi, achiti, “Kwakatenderwa kuporesa nomusi weSabata here, kana kwete?”
4Vakaramba vanyerere. Zvino akamutora, akamuporesa, ndokumuendesa. 5Akati kwavari, “Ndianiko pakati penyu, angati, kana mwanakomana wake, kana mombe yake yawira mugomba, angarega kuibudisa pakarepo nomusi weSabata?”
6Vakasagona kupindurazve pamusoro paizvozvi.
Kuzvininipisa
7Zvino akataura mufananidzo kuna vakakokerwa, nokuti akaona vachizvisanangurira zvigaro zvapamberi, akati kwavari, 8“Kana iwe uchinge wakokerwa nomunhu kumuchato, usagara pachigaro chapamberi; zvimwe mumwe, anokudzwa kupinda iwe, akokerwawo naye; 9zvino akakukokera iwe naye, angasvika, akati kwauri, ‘Ibvapo, munhu uyu agare; ipapo uchatanga kugara kuchigaro cheshure uchinyarara.’ 10Asi kana wakokerwa, enda ugare pachigaro cheshure, kuti uyo akakukokera, kana achisvika, agoti kwauri, ‘Shamwari, pinda mberi!’ Zvino uchakudzwa iwe pamberi pavose vagere pakudya, newe. 11Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza, achaninipiswa; uye mumwe nomumwe anozvininipisa, achakudzwa.”
12Akatiwo kune akamukokera, “Kana wagadzira chisvusvuro kana chirariro, usadana shamwari dzako, kana vanun'una vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vako, kuti varege kukukokerazve, ugoripirwa. 13Asi kana wagadzira mutambo wokudya, ukokere varombo, nezvirema, navanokamhina, namapofu.
14“Ipapo ucharopafadzwa, zvavasina zvavangakuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.”
Mufananidzo wechirariro chikuru
(Mateu 22:1-10)
15Mumwe wavakanga vagere naye pakudya akati achizvinzwa, akati kwavari, “Akaropafadzwa uyo achadya zvokudya muushe hwaMwari!”
16Iye akati kwaari, “Mumwe munhu akagadzira chirariro chikuru, akakokera vazhinji.
17“Akatuma muranda wake nenguva yokurarira kuti audze vakanga vakakokerwa, kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa zvino.’ 18Ipapo vose vakatanga nomwoyo mumwe kuzvirevera. Wokutanga akati kwaari, ‘Ndatenga munda, ndinofanira kumbondouona; ndinokumbira kuti undirevere.’ 19Mumwe akati, ‘Ndatenga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda kundodziedza; ndinokumbira kuti undirevere.’ 20Mumwe akati, ‘Ndawana mukadzi, naizvozvo handingauyi.’ 21Muranda akauya, akaudza ishe wake izvozvo. Ipapo muridzi weimba akatsamwa, akati kumuranda wake, ‘Kurumidza, ubude kunzira huru neduku dzomumusha, uuye pano navarombo, nezvirema, namapofu, navanokamhina.’ 22Muranda akati, ‘Ishe, izvo zvamarayira, zvaitwa, asi nzvimbo ichipo.’
23“Ishe akati kumuranda, ‘Buda kunzira nokuruzhowa, uvagombedzere vapinde, imba yangu izare. 24Nokuti ndinoti kwamuri, hakuna mumwe kuna varume avo vandakokera, acharavira chirariro changu.’ ”
Kutevera Jesu
(Mateu 10:37-38)
25Zvino vazhinji-zhinji vakafamba naye; akatendeuka, akati kwavari, 26“Kana munhu achiuya kwandiri, asingavengi baba vake namai, nomukadzi, navana, navanun'una, nehanzvadzi, kunyange noupenyu hwakewo, haangavi mudzidzi wangu. 27Ani naani asingatakuri muchinjikwa wake, akauya shure kwangu, haangavi mudzidzi wangu. 28Nokuti ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, asingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuona kana ane mari yokuipedzisa nayo? 29Kuti zvimwe kana atanga nheyo, akakoniwa kupedzisa, vose vanozviona, vasatanga kumuseka, 30vachiti, ‘Uyu munhu akatanga kuvaka, akakoniwa kupedzisa.’ 31Kana ndoupiko mambo, kana achienda kundorwa nomumwe mambo, asingatangi kugara pasi, akarangarira kana iye, ana vanhu vane zviuru zvamazana zvine gumi, angagona kundosangana noanouya kuzorwa naye, ana vanhu vane zviuru zvamazana zvina makumi maviri? 32Kana asingagoni, anotuma nhume, iye achiri kure, kundokumbira mashoko orugare. 33Saizvozvowo, ani naani kwamuri asingasii zvose zvaanazvo, haangavi mudzidzi wangu.”
34“Munyu wakanaka; asi kana munyu wakashapa, acharungwa neiko? 35Hauchine basa pamunda, kana padutu romupfudze; vanourasira kunze. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
Zvasarudzwa nguva ino
Ruka 14: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: