Ruka 4
4
Kuedzwa kwaJesu
(Mateu 4:1-11; Mako 1:12, 13)
1Zvino Jesu azere noMweya Mutsvene, akadzokazve achibva kuJorodhani, akatungamirirwa noMweya murenje 2achiedzwa naDhiabhori mazuva ana makumi mana. Akanga asingadyi chinhu namazuva iwayo; zvino akati apera, akaziya.
3Zvino Dhiabhori akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, udza ibwe iri kuti rive chingwa.”
4Jesu akamupindura, akati, “Kwakanyorwa kuti munhu haangararami nechingwa bedzi.”
5Zvino akamutungamirira kugomo refurefu, akamuratidza ushe hwose hwenyika nenguva duku-duku.
6Dhiabhori akati kwaari, “Ndichakupa simba iri rose nokubwinya kwazvo, nokuti ndakahupiwa ini, kuti ndihupe wandinoda. 7Zvino, iwe, kana ukandinamata, zvose zvichava zvako.”
8Jesu akapindura, akati kwaari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.’ ”
9Akaenda naye Jerusaremu, akamuisa pachiruvi chetemberi, akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi pano; 10Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi,
‘Acharayira vatumwa vake pamusoro
pako, kuti vakuchengete;’
11‘Pamaoko avo vachakusimudza,
Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.’ ”
12Jesu akapindura, akati kwaari, “Kwakanzi, ‘Usaedza Ishe, Mwari wako.’ ”
13Dhiabhori akati apedza kuedza kwose, akamusiya kusvikira imwe nguva.
Vanhu vanoramba Jesu paNazareta
14Zvino Jesu akadzokera Gariria nesimba roMweya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza.
15Aidzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa navanhu vose.
16Akasvika kuNazareta, kwaakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi weSabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave.
17Akapiwa bhuku yomuporofita Isaya; zvino akati aripetenura, akawana pakanyorwa panoti,
18“Mweya waIshe uri pamusoro pangu,
Nokuti akandizodza, kuti
ndiparidzire varombo Vhangeri;
Akandituma kuti ndizivise vakatapwa
kusunungurwa kwavo;
Namapofu kuti vaonezve;
Ndiregedze vakatsikirirwa;
19Nokuzivisa gore raIshe rakanaka.”
20Akapeta bhuku, akaridzosera kumutariri, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa. 21Zvino akatanga kuvaudza, achiti, “Nhasi rugwaro urwu rwaitika munzeve dzenyu.”
22Vose vakamupupurira zvakanaka, vakashamiswa namashoko akanaka akabuda mumuromo make, vakati, “Ko uyu haazi mwanakomana waJosefa here?”
23Akati kwavari, “Ndinoziva, muchareva tsumo iyi kwandiri, ‘N'anga uzviporese; zvose izvo zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, uzviitewo nomuno munyika yako.’ ” 24Akati, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hakuna muporofita anogamuchirwa munyika yake. 25Ndinokuudzai shoko iri razvokwadi. Kwakanga kune chirikadzi zhinji pakati pavaIsiraeri pamazuva aEria, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose; 26asi Eria haana kutumwa kune mumwe wavo, asi akatumwa Sarepita bedzi, munyika yeSidhoni, kumukadzi aiva chirikadzi. 27Kwakanga kuna vaiva namaperembudzi vazhinji pakati pavaIsiraeri pamazuva omuporofita Erisha; hakuna mumwe wavo akanatswa, asi Naamani bedzi, muSiria.”
28Ipapo vose vakanga vari musinagoge, vakatsamwa zvikuru, vachinzwa izvozvo, 29vakasimuka, vakamudzingira kunze kweguta, vakaenda naye kumawere egomo, pakanga pakavakwa guta ravo, kuti vamuwisire pasi. 30Asi iye akapinda napakati pavo, akaenda.
Jesu anoporesa munhu aiva nomweya wakaipa muKapenaume
(Mako 1:21-28)
31Zvino akaburukira Kapenaume, raiva guta reGariria; akasivadzidzisa nemisi yeSabata; 32vakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti shoko rake rakanga rine simba. 33Zvino musinagoge makanga muno munhu akanga anomweya wakaipa wahan'ora; iye akadanidzira nezwi guru, achiti, 34“Haiwa, tine mhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.”
35Ipapo Jesu akaurayira, achiti, “Nyarara, ubude kwaari!” Mweya wakaipa ukamuwisira pasi pakati pavo, ukabuda kwaari, usina kutongomukuvadza.
36Kutya kukavawira vose, vakataurirana, vachiti, “Shoko iri ndereiko? Nokuti anoraira mweya yakan'ora nechikuriri nesimba, ikabuda.” 37Mukurumbira wake ukanzwika kumativi ose enyika yakapoteredza.
Jesu anoporesa mai vomukadzi waPetirosi, navamwe
(Mateu 8:14-17; Mako 1:29-34)
38Zvino akasimuka musinagoge, akapinda mumba maSimoni. Mai vomukadzi waSimoni vakanga vakabatwa nefivhzvikuru; vakavakumbirira kwaari.
39Ipapo akakotamira pamusoro pavo, akarayira fivha, ikavarega; vakasimuka pakarepo, vakavashandira.
40Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva navanorwara nehosha zhinji vakauya navo kwaari; akaisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo, akavaporesa. 41Nemweya yakaipa yakabuda kuvazhinji, ichidanidzira, ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari!” Asi akayiraira, akasaitendera kutaura, nokuti yakanga ichiziva kuti ndiye Kristu.
42Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kwakanga kusina vanhu; vazhinji vakamutsvaka, vakasvika kwaari, vakaedza kumudzivisa, kuti arege kubva kwavari.
43Asi akati kwavari, “Ndinofanira kuparidzira mamwe magutawo Vhangeri youshe hwaMwari; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.”
44Akasiparidza mumasinagoge eGariria.
Zvasarudzwa nguva ino
Ruka 4: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002