Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 13:37-43

Mateu 13:37-43 SNA2002

Akapindura, akati, “Anokusha mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu. Munda inyika; mbeu yakanaka ndivo vanakomana voushe, masawi ndiwo vanakomana vomuipi. Muvengi akakusha ndiye Dhiabhori; kucheka ndiko kuguma kwenyika; vacheki ndivo vatumwa vaMwari. “Zvino masawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika. Mwanakomana womunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza muushe hwake zvose zvinogumbusa, navanoita zvisakarurama, vachavakandira muvira romoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno. Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.

Verenga chikamu Mateu 13