Mateu 23
23
Jesu anotuka vanyori navaFarisi
(Mako 12:38-39; Ruka 11:43, 45; 20:45-46)
1Zvino Jesu akataura kuvanhu vazhinji navadzidzi vake, 2akati, “Vanyori navaFarisi vagere pachigaro chaMosesi; 3saka zvose zvavanokuudzai, muzviite nokuzvichengeta, asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti. 4Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura, vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo. 5Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vaonekwe navanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera avo, vanokurisa mipeto yenguo dzavo, 6vanofarira zvigaro zvapamberi pamitambo, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, 7nokukwaziswa padare, nokunzi, ‘Rabhi’ navanhu. 8Asi imi musanzi, ‘Rabhi;’ nokuti mudzidzisi wenyu ndomumwe, imi mose muri hama. 9Musati munhu ari panyika baba venyu, nokuti mumwechete ndiBaba venyu, ivo vari kudenga. 10Musati ‘Vatenzi,’ nokuti mumwechete, nditenzi wenyu, iye Kristu. 11Asi mukuru pakati penyu ngaave muranda wenyu. 12Ani naani anozvikudza achaninipiswa, naani naani anozvininipisa, achakudzwa.
13“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwedenga; nokuti imi hamupindi mumene, naivo, vopinda, hamuvatenderi kupinda. [ 14Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munoparadza dzimba dzechirikadzi muchiita minyengetero mirefu yemanomano; naizvozvo muchatongerwa zvakaipa nokupfuurisa.]
15“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munofamba pagungwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumwe; kana awanikwa, munomuita mwanakomana weGehena kukunda imi kaviri.
16“Mune nhamo, imi vatungamiriri vakapofumara, munoti, ‘Ani naani anopika netemberi, hazvina hazvo; asi ani naani anopika nendarama yetemberi, ndiye anemhosva.’ 17Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, ndarama kana temberi, inoita ndarama ive tsvene? 18Munotizve, ‘Ani naani anopika nearitari, hazvina hazvo; asi ani naani anopika nechipo chiri pamusoro payo, ndiye ane mhosva.’ 19Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, chipo kana aritari, inoita chipo chive chitsvene?
20“Naizvozvo, anopika nearitari, anopika nayo, nezvose zviri pamusoro payo.
21“Neanopika netemberi, anopika nayoo, neanogara mairi. 22Neanopika nedenga, anopika nechigaro choushe chaMwari, neanogara pamusoro pacho.
23“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopa chegumi chemindi, neanisi, nekumini, muchirega zvinhu zvikuru zvomurayiro, zvinoti kururamisira mhaka, nengoni, nokutendeka; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo. 24Imi vatungamiri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza ngamera.
25“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nekukara nokusazvidzora.
26“Iwe muFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo.
27“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anoonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namapfupa avakafa netsvina yose. 28Saizvozvo nemiwo munoonekwa navanhu kunze kwenyu makaita samakarurama, asi mukati muzere nokunyengera nokuipa.
29“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi vanyengeri! Nokuti munovaka marinda avaporofita, nokushongedza marinda avakarurama, 30muchiti, dai taivapo pamazuva amateteguru edu, tingadai tisina kuvabatsira kuuraya vaporofita. 31Saka munozvipupurira kuti muri vanakomana vavakauraya vaporofita. 32Zvino chizadzisai gamha rakasiyiwa namateteguru enyu. 33Imi nyoka, imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutonga kweGehena? 34Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri vaporofita, navakachenjera, navanyori; muchauraya vamwe vavo, nokuvarovera pamuchinjikwa; mucharovesa vamwe vavo mumasinagoge enyu, nokuvadzingirira mumaguta ose. 35Kuti ropa rose ravakarurama, rakateurirwa panyika, riuye pamusoro penyu, kubva paropa raAbheri akanga akarurama, kusvikira paropa raZekariya, mwanakomana waBharakia, wamakauraya pakati petemberi nearitari. 36Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, izvi zvose zvichauya pamusoro porudzi urwu.
Jesu anochema pamusoro peJerusaremu
(Ruka 13:34-35)
37“Jerusaremu! Jerusaremu! Iwe unouraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, sembambo inounganidza hukwana dzayo, munyasi mamapapiro ayo, mukaramba! 38Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo. 39Nokuti ndinoti kwamuri, kubva zvino hamuchazondioni, kusvikira muchiti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya nezita raIshe.’ ”
Zvasarudzwa nguva ino
Mateu 23: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: