Akati aburuka pagomo, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera. Tarira, munhu anamaperembudzi akauya kwaari, akamupfugamira, akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”
Akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati, “Ndinoda; chinatswa!” Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.
Jesu akati kwaari, “Tarira, usaudza munhu; asi enda, uzviratidze kumupristi, ubayire chipo chakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.”
Akati apinda Kapenaume, mumwe mukuru wezana akauya kwaari, akakumbira zvikuru kwaari, achiti, “Ishe, muranda wangu avete kumba, akafa mitezo, asi anotambudzika kwazvo.”
Akati kwaari, “Ndichauya kuzomuporesa.”
Mukuru wezana akapindura, akati, “Ishe, handina kufanirwa kuti mupinde mumba mangu; asi taurai henyu shoko rimwechete, muranda wangu achapora. Nokuti neniwo ndiri munhu anorayirwa, ndina varwi pasi pangu; ndinoti kunomumwe, ‘Enda!’ anoenda; kunomumwe, ‘Uya!’ anouya; nokumuranda wangu, ‘Ita chichi!’ anochiita.”
Jesu, akati achinzwa izvozvo, akashamiswa, akati kunavakanga vachitevera, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, “Handina kumboona kutenda kwakadai, kunyange napakati pavaIsiraeri. Ndinoti kwamuri, vazhinji vachauya vachibva kumabvazuva, nokumavirira, vachagara naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho, muushe hwedenga, asi vanakomana voushe vachabudiswa kurima rokunze; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.” Zvino Jesu akati kumukuru wezana, “Enda uitirwe sokutenda kwako.” Muranda wake akapora nenguva iyo.
Jesu, akati achipinda mumba maPetirosi, akaona vambuya vaPetirosi vavete, vachinzwa fivha. Akabata ruoko rwavo, fivha ikabva kwavari, vakasimuka, vakamushandira. Ava madekwana, vakauya kwaari navazhinji vaiva nemweya yakaipa; akabudisa mweya neshoko, akaporesa vose vairwara. Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, “Iye akatora utera hwedu, akatakura zvirwere zvedu.”