Mako 10
10
Kurambana kwomurume nomukadzi
(Mateu 19:1-12; Ruka 16:18)
1Zvino akasimukapo, akasvika munyika yeJudhea, nemhiri kwaJorodhani, vanhu vazhinji-zhinji vakaunganirazve kwaari; akavadzidzisazve sezvaakanga achisiita.
2VaFarisi vakauya kwaari, vakamubvunza, vachimuedza, vachiti, “Murume akatenderwa kuramba mukadzi wake here?”
3Akapindura, akati kwavari, “Mosesi akakuraireiko?”
4Vakati, “Mosesi akatendera murume kunyora rugwaro rwokumuramba, agorambwa.”
5Jesu akati kwavari, “Akakunyorerai murayiro iwoyo nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu. 6Asi kubva pakutanga kwokusikwa akavaita, ‘Munhurume nomunhukadzi.’ 7‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; 8ava vaviri vachava nyama imwe; nokudaro havachiri vaviri; asi nyama imwe.’ 9Zvino izvo Mwari zvaakasanganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”
10Zvino mumba vadzidzi vakamubvunzazve pamusoro paizvozvo. 11Akati kwavari, “Ani naani anoramba mukadzi wake, akawana mumwe, anoita upombwe kwaari. 12Uye kana iye mukadzi akaramba murume wake, akawanikwa nomumwe, anoita upombwe.”
Jesu anoropafadza vana vaduku
(Mateu 19:13-15; Ruka 18:15-17)
13Zvino vakauya navana vaduku kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakavaraira. 14Zvino Jesu akati achizviona, akatsamwa, akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwavakadai. 15Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ani naani usingagamuchiri ushe hwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mahuri.” 16Ipapo akavafungatira mumaoko, akavaropafadza, ndokuisa maoko pamusoro pavo.
Jaya mupfumi
(Mateu 19:16-30; Ruka 18:18-30)
17Zvino akati achibuda kunzira, mumwe akamhanyira kwaari, akapfugama pamberi pake akamubvunza, achiti, “Mudzidzisi Wakanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka yohupenyu husingaperi?”
18Jesu akati kwaari, “Anondiidzireiko wakanaka? Hakuna akanaka, asi mumwechete, iye Mwari. 19Mirayiro unoiziva, inoti, usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.”
20Akati kwaari, “Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu.”
21Jesu akamutarira akamuda, akati kwaari, “Unoshaiwa chinhu chimwechete; enda, utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nepfuma kudenga; ugouya, unditevere.” 22Asi akasuwa kwazvo neshoko iro, ati hurududu nokuti akanga ane pfuma zhinji.
23Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake, “Vane pfuma vacharemerwa sei kupinda muushe hwaMwari!”
24Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu akapindurazve, akati kwavari, “Vana, zvinorema sei kuna vanovimba nepfuma kupinda muushe hwaMwari! 25Ngamera ingarerukirwa kupinda paburi retsono, kumupfumi kupinda muushe hwaMwari.”
26Ipapo vakakahadzika zvikuru, vakati kwaari, “Ndianiko angagoponeswa?”
27Zvino Jesu akati achivatarira, akati, “Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvinobvira.”
28Petirosi akatanga kutaura kwaari, achiti, “Tarirai isu takasiya zvose tikakuteverai.”
29Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna munhu akasiya imba, kana vakoma kana vanun'una, kana hanzvadzi, kana mai, kana baba, vana, kana minda, nokuda kwangu nokweVhangeri, 30asingazopiwi zvine zana nenguva ino, zvedzimba vakoma navanun'una, nehanzvadzi, namadzimai, navana, neminda, pamwechete nokuvengwa, noupenyu husingaperi nenguva inouya. 31Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokutanga.”
Jesu anovaudza zvorufu rwake nokumuka kwake
(Mateu 20:17-19; Ruka 18:31-34)
32Zvino vakanga vari munzira, vachikwira Jerusaremu; Jesu akanga achivatungamirira; vakashamiswa; navakanga vachitevera, vakatya. Ipapo akatorazve vane gumi navaviri, akatanga kuvaudza izvo zvaakanga oda kuitirwa, achiti, 33“Tarirai tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru navanyori; vachamutongera rufu, nokumuisa kuvahedheni. 34Vachamuseka, nokumupfira mate, nokumurova kwazvo, nokumuuraya; kana mazuva matatu apfuura, achamukazve.”
Vana vaZebhedhi vanokumbira kuva vakuru
(Mateu 20:20-28)
35Zvino Jakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya, kwaari, vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire sezvatinokumbira kwamuri.”
36Akati kwavari, “Munoda kuti ndikuitireiko?”
37Vakati kwaari, “Tigarisei mukubwinya kwenyu, mumwe kuruoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe.”
38Asi Jesu akati kwavari, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo here?”
39Vakati kwaari, “Tingagona.” Jesu akati kwavari, “Muchanwira henyu mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; 40asi kugara kuruoko rwangu rworudyi, kana kuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo.”
41Vane gumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira Jakobho naJohani.
42Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati kwavari, “Munoziva kuti avo vanonzi machinda avahedheni vanovaita mukundo navakuru vakuru vano vanovaitira zvesimba.
43“Zvino pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu; 44ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wavose.
45“Nokuti Mwanakomana womunhu naiye haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nokupa hupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.”
Jesu anosvinudza Bhatimeo paJeriko
(Mateu 20:29-34; Ruka 18:35-43)
46Vakasvika Jeriko; zvino akati achibuda Jeriko navadzidzi vake navazhinji-zhinji, Bhatimeo, mwanakomana waTimeo, raiva bofu riri rombe, wakanga agere panzira. 47Iye akati anzwa, kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
48Vazhinji vakamuraira kuti anyarare, asi iye akanyanya kudanidzira kwazvo, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
49Ipapo Jesu akamira, akati, “Mudanei.” Vakadana bofu, vachiti kwariri, “Tsunga mwoyo, simuka, anokudana.”
50Ipapo akarasira nguo yake, akasimuka, akaenda kuna Jesu.
51Jesu akamupindura, akati kwaari, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Bofu rikati kwaari, “Rabhoni, kuti ndione.”
52Jesu akati kwaari, “Enda hako, kutenda kwako kwakuponesa.” Pakarepo akaona, akatevera Jesu munzira.
Zvasarudzwa nguva ino
Mako 10: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002