Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 12

12
Mufananidzo wavarimi vakaipa
(Mateu 21:33-46; Ruka 20:9-19)
1Zvino akatanga kutaura navo nemifananidzo, achiti, “Mumwe munhu akanga asima munda wemidzambiringa, akaukomba norusvingo, akachera guvi rokusvinira, akavaka chirindo, chirefu akaurongera varimi, ndokufamba rwendo.
2“Nenguva yemichero akatuma muranda kuvarimi, kuti apiwe navarimi michero yomunda wemidzambiringa.
3“Vakamubata, vakamurova, vakamudzosa asina. 4Akatumazve mumwe muranda kwavari; vakamutaka namabwe, vakamutema musoro, vakamunyadza. 5Akatumazve mumwe, vakamuuraya; navamwe vazhinji, vakarova vamwe, nokuuraya vamwe.
6“Zvino akanga achine mwanakomana mumwe, mudikanwi; akamutuma kwavari pakupedzisira, achiti, ‘Vachakudza mwanakomana wangu.’ 7Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye, nhaka igova yedu.’ 8Vakamubata, vakamuuraya, vakamubudisa kunze kwomunda wemidzambiringa. 9Zvino muridzi womunda wemidzambiringa achaiteiko? Achauya, akaparadza varimi ivavo, akarongera vamwe varimi munda wemidzambiringa. 10Ko hamuna kutongorava here rugwaro urwu, runoti,
‘Ibwe rakaraswa navavaki,
Ndiro rakazova musoro wekona;
11Izvozvo zvakaitwa naIshe,
Zvinoshamisa pameso edu?’ ”
12Ipapo vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu vazhinji; nokuti vakanga vachiziva kuti akavareva ivo nomufananidzo iwoyo; vakamusiya, vakabvapo.
Kutera mutero waKesari
(Mateu 22:15-22; Ruka 20:20-26)
13Zvino vakatuma kwaari vamwe vavaFarisi navaHerodhi, kuti vamubate pakutaura kwake. 14Vakauya, vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wazvokwadi, musingarangariri zvinoonekwa zvomunhu; hamutariri zviri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi, munhu anotenderwa kutera mutero waKesari here, kana kwete?
15“Tichatera here, kana tirege kutera?” Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari, “Munondiedzereiko? Uyai nedhenari kwandiri, ndirione.”
16Vakauya naro. Ipapo akati kwavari, “Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvaani?” Vakati kwaari, “ZvaKesari.”
17Jesu akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” Vakashamiswa zvikuru naye.
Vanobvunza Jesu pamusoro pokumuka kwavakafa
(Mateu 22:23-33; Ruka 20:27-40)
18Zvino vaSadhusi vakauya kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza vachiti, 19“Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asina mwana, munun'una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.’ 20Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana. 21Wechipiri akamutora, akafa asingasiyi vana; nowechitatu akadarowo.
22“Navanomwe vose havana kuva nomwana; shure kwavose mukadzi akafawo. 23Zvino pakumuka kwavakafa, kana vachimuka, achava mukadzi waaniko? Nokuti akanga ari mukadzi wavose vanomwe.”
24Jesu akati kwavari, “Hamuti makarasika here, nemhaka yokusaziva magwaro nesimba raMwari?
25“Nokuti kana vachimuka kuvakafa, havawani kana kuwanikwa; asi vakaita savatumwa kudenga. 26Kana kuri kumutswa kwavakafa, hamuna kurava here mubhuku raMosesi pashoko regwenzi, kuti Mwari akataura naye, akati, ‘Ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?’ 27Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; marasika kwazvo.”
Murayiro mukuru
(Mateu 22:34-40; Ruka 10:25-28)
28Zvino mumwe wavanyori akanga anzwa kutaurirana kwavo, achiziva kuti akanga avapindura zvakanaka, akauya, akamubvunza, achiti, “Murayiro wokutanga pana yose ndoupiko?”
29Jesu akapindura, akati, “Wokutanga ndiwoyu, ‘Inzwai vaIsiraeri, Ishe Mwari wedu, ndiye Ishe mumwechete! 30Ida Ishe Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.’ 31Wechipiri ndiwoyu, ‘Ida wokwako sezvaunozvida pachako.’ Hakuna murayiro mukuru kuna iyoyi.”
32Zvino munyori akati kwaari, “Zvakanaka Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo, kuti ndiye mumwechete, hakuna mumwe kunze kwake; 33nokumuda iye nomwoyo wose, nokufunga kwose, nesimba rose, nokuda wokwake sezvaanozvida pachake, zvinopfuura zvikuru zvipiriso zvose zvinopiswa chose, nezvibayiro.” 34Zvino Jesu akati achiona kuti apindura nokufunga, akati kwaari, “Hausi kure noushe hwaMwari.” Kukasava nomunhu akazotsunga kumubvunza chinhu.
Kristu Mwanakomana waDhavhidhi
(Mateu 22:41-46; Ruka 20:41-44)
35Zvino Jesu akati achidzidzisa mutemberi, akapindura, akati, “Vanyori vanoreva seiko kuti Kristu ndiye mwanakomana waDhavhidhi? 36Dhavhidhi amene akati noMweya Mutsvene,
‘Ishe akati kuna Ishe wangu,
Gara kurudyi rwangu,
Kusvikira ndaisa vavengi
vako pasi petsoka dzako.’
37“Dhavhidhi amene anoti, ‘Ishe,’ angagova mwanakomana wake seiko?” Vazhinji-zhinji vakanga vachifara kumunzwa.
Jesu anonyevera vadzidzi vake
(Mateu 23:1-36; Ruka 20:45-47)
38Zvino pakudzidzisa kwake akati, “Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguo refu, nokukwaziswa padare, 39nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, nenzvimbo dzapamberi pamitambo; 40vachiparadza dzimba dzechirikadzi, vachinyengetera neminyengetero mirefu. Ivava vachatongerwa mhosva huru inodarika yavamwe.”
Jesu anorumbidza chipo chechirikadzi
(Ruka 21:1-4)
41Zvino akanga agere akatarisana neimba yaichengeterwa upfumi hwetemberi akatarira vanhu vazhinji vachikanda mari muzibhokisi, vapfumi vazhinji vakanga vachikanda zvizhinji.
42Kukasvika chirikadzi, yaiva murombo, ikakanda tumari tuviri tuduku. 43Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa zvizhinji kunaavo vose vakaisa muchivigiro, 44nokuti avo vose vakaisa vachitora pazvizhinji zvavo; asi iye wakaisa achitora pakushaiwa kwake, zvose zvaakanga anazvo, zvose zvaaifanira kurarama nazvo.”

Zvasarudzwa nguva ino

Mako 12: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda