Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 14

14
VaJudha vanorangana kuuraya Jesu
(Mateu 26:1-5; Ruka 22:1, 2; Johani 11:45-53)
1Zvino mazuva maviri akanga asara pakusvika kwePasika nomutambo wezvingwa zvisina mbiriso. Vapristi vakuru navanyori vakanga vachitsvaka mutoo wavangamubata nawo namano, kuti vamuuraye.
2Nokuti vakati, “Zvirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu.”
Jesu anozodzwa nomukadzi paBhetania
(Mateu 26:6-13; Johani 12:1-8)
3Zvino akati ari paBhetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, mumwe mukadzi akauya ane chinu chearibhasitera chaiva namafuta chenaridho chakanakisa, chinomutengo mukuru; akaputsa chinu chearibhasitera, akachidurura mumusoro wake. 4Asi vamwe vakanga varipo vakatsamwa pamwoyo yavo, vakati, “Kuparadza ikoko kwemafuta kwakaitirweiko? 5Nokuti mafuta oga angadai atengeswa namadhenari anopfuura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakatsamwira mukadzi.”
6Asi Jesu akati, “Muregei. Muno mutambudzireiko? Akandiitira basa rakanaka.
7“Nokuti varombo munavo nguva dzose, nguva ipi neipi yamunoda, mungavaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva dzose. 8Akaita paakagona napo; akagara azora muviri wangu ndisati ndavigwa. 9Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kwose kunozoparidzirwa Vhangeri panyika dzose, zvakaitwa naye zvicharehwawo, kuti vamurangarire nazvo.”
Judhasi Isikarioti anotsvaka kutengesa Jesu
(Mateu 26:14-16; Ruka 22:3-6)
10Judhasi Isikarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaenda kuvapristi vakuru, kuti amuise kwavari. 11Ivo vakati vachizvinzwa, vakafara, vakamupikira kuti vachamupa mari. Ipapo akatsvaka nzira yaangamuisa kwavari nayo panguva yakafanira.
Pasika neChirariro
(Mateu 26:17-30; Ruka 22:7-23; Johani 13:21-30; 1 Vakorinde 11:23-25)
12Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, musi wavaibayira Pasika nawo, vadzidzi vakati kwaari, “Munoda kuti tikugadzirirepiko pamungadya Pasika?” 13Akatuma vadzidzi vake vaviri, akati kwavari, “Endai muguta, ipapo muchasangana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye.
14“Paanenge achipinda, muti kumuridzi weimba, ‘Zvanzi nomudzidzisi, imba yangu yavaeni iripiko, mandingadyire Pasika navadzidzi vangu?’ 15Ipapo iye achakutaridzai imba huru yokumusoro, yakarongedzwa, yakagadzirwa; mutigadzirirepo.” 16Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakandowana sezvavakanga vaudzwa naye; vakagadzira Pasika.
17Ava madekwana, akauya navane gumi navaviri. 18Zvino vakati vagere pakudya, Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira, iye anodya neni.”
19Ipapo vakatanga kuva neshungu, mumwe nomumwe akati kwaari, “Ndini here?”
20Akati kwavari, “Ndomumwe wavane gumi navaviri, anoisa ruoko neni mundiro. 21Nokuti Mwanakomana womunhu anoenda hake, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, Mwanakomana womunhu waanopandukirwa naye; kwaiva nani kumunhu uyu dai asina kuberekwa.”
22Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akavonga, akachimedura, ndokuvapa, achiti, “Gamuchirai, ichi uyu muviri wangu.”
23Akatora mukombe, akavonga, akavapa, vakanwa vose pauri.
24Akati kwavari, “Ichi iropa rangu rechitenderano itsva, rinodururirwa vazhinji.
25“Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, handichazonwizve muchero womudzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro, zvava zvitsva, muushe hwaMwari.”
26Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda, vakaenda kugomo reMiorivhi.
Jesu anoudza Petirosi kuti achamuramba
(Mateu 26:31-35; Ruka 22:31-34; Johani 13:36-38)
27Zvino Jesu akati kwavari, “Imi mose muchagumburwa kwandiri, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Ndicharova mufudzi, namakwai achaparadzwa.’ 28Asi kana ndamutswa, ndichakutungamirirai Gariria.”
29Zvino Petirosi akati kwaari, “Kunyange vose vakagumburwa, ini kwete.”
30Jesu akati kwaari, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti nhasi, usiku huno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.”
31Asi iye akareva nokusimbisa, achiti, “Kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambii.” Navose vakadarowo.
Jesu muGetsemani
(Mateu 26:36-46; Ruka 22:39-46)
32Zvino vakasvika panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichindonyengetera.”
33Akatora Petirosi naJakobho naJohani, akatanga kuvhunduka kwazvo nokudumbirwa. 34Akati kwavari, “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde.”
35Akapfuura mberi zvishoma, akawira pasi akanyengetera kuti, kana zvichibvira, nguva ipfuure kwaari. 36Akati, “Baba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kuda kwenyu.”
37Zvino akasvika, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Simoni, uvete here? Wakanga usingagoni kurinda nguva imwechete here? 38Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuedzwa; mweya unoda hawo, asi nyama haine simba.”
39Akaendazve, akanyengetera achireva mashoko iwayo. 40Akaendazve, akavawana vavata, nokuti meso avo akanga abatwa nehope kwazvo; vakasaziva zvavangamupindura.
41Akaendazve rwechitatu, akati kwavari, “Chivatai henyu, muzorore; zvaringana, nguva yasvika, tarirai, Mwanakomana womunhu woiswa mumaoko avatadzi. 42Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari wava pedyo.”
Kusungwa kwaJesu
(Mateu 26:47-56; Ruka 22:47-53; Johani 18:3-12)
43Pakarepo, achataura, Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akasvika, ana vanhu vazhinji vakabata minondo netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru navanyori navakuru vakuru. 44Zvino iye, akamupandukira, akanga avapa chiratidzo, achiti, “Uyo wandinotsvoda ndiye, mumubate muende naye makamusunga zvakasimba.”
45Zvino akati asvika, pakarepo akaswedera kwaari, akati, “Rabhi!” Akamutsvoda kwazvo. 46Ipapo vakaisa maoko kwaari, vakamubata. 47Zvino mumwe wavakanga vamirepo, akavhomora munondo wake, akatema muranda womupristi mukuru, akagura nzeve yake. 48Ipapo Jesu akapindura, akati kwavari, “Mabuda kuzondibata neminondo netsvimbo, sendiri gororo here? 49Ndakanga ndinemi mazuva ose, ndichikudzidzisai mutemberi, mukarega kundibata, asi izvi zvaitwa, kuti Magwaro aitike.”
50Ipapo vakamusiya vose, vakatiza.
51Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakapfeka mucheka bedzi pamuviri, vakaribata; 52asi rakasiya mucheka, rikatiza risina nguo.
Jesu pamberi pomupristi mukuru navakuru
(Mateu 26:57-68; Ruka 22:54, 55, 63-71; Johani 18:13, 14, 19-24)
53Zvino vakaisa Jesu kumupristi mukuru; vapristi vakuru vose navakuru vakuru navanyori vakaunganira kwaari.
54Petirosi akanga amutevera ari kure kusvikira paruvazhe rwomupristi mukuru; akanga agere navatariri, achidziya moto. 55Zvino vapristi vakuru namakurukota ose vakatsvaka uchapupu pamusoro paJesu kuti vamuuraye, asi havana kuuwana. 56Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi kupupura kwavo kwakapesana.
57Vamwe vakasimuka, vakamupupurira nhema, vachiti,
58“Takamunzwa isu achiti, ‘Ndichaputsa temberi iyi yakavakwa namaoko, ndikavaka imwe namazuva matatu, isina kuvakwa namaoko.’ ” 59Asi kupupura kwavo kwakapesana.
60Zvino mupristi mukuru akasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti, “Haupinduri chinhu here? Chinyi ichi chavanokupomedzera?”
61Asi iye akaramba anyerere, asingapinduri chinhu. Mupristi mukuru akamubvunzazve, akati kwaari, “Ndiwe Kristu, Mwanakomana woAnokudzwa here?”
62Jesu akati, “Ndini. Nemi muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achiuya namakore okudenga.”
63Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Tichatsvakireiko zvapupu?
64“Manzwa kushonha kwake Mwari; munofungeiko?” Ipapo vose vakamutongera kuti anofanira kufa.
65Vamwe vakatanga kumupfira mate, vakafukidza meso ake, vakamurova netsiva, vachiti kwaari, “Porofita; navatariri vakamurova namaoko.”
Kuramba kwaPetirosi
(Mateu 26:69-75; Ruka 22:56-62; Johani 18:15-18, 25-27)
66Zvino Petirosi achiri panze paruvazhe, mumwe murandasikana womupristi mukuru akasvika, 67akaona Petirosi achidziya moto, akamutarira, akati, “Newewo wakanga una Jesu weNazareta!”
68Asi iye akaramba, achiti, “Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva; akabuda panze kuruvazhe rwapamberi, jongwe rikarira.”
69Zvino murandasikana akamuona, akatangazve kureva kunavakanga varipo, achiti, “Uyu ndomumwe wavo!” 70Asi iye akarambazve. Nguva duku yakati yapfuura, vakanga vamirepo vakatizve kuna Petirosi, “Zvirokwazvo, uri mumwe wavo, nokuti newewo uri muGariria.”
71Ipapo akatanga kutuka nokupika, achiti, “Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.”
72Pakarepo jongwe rikarira rwechipiri; ipapo Petirosi akarangarira shoko rakanga rarehwa kwaari naJesu rokuti, “Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.” Zvino akati achifunga izvozvo, akachema.

Zvasarudzwa nguva ino

Mako 14: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda