Mako 15
15
Jesu pamberi paPirato
(Mateu 27:1-2, 11-26; Ruka 23:1-5, 13-25; Johani 18:28—19:16)
1Pakarepo mangwanani vapristi vakuru vakarangana navakuru navanyori namakurukota ose, vakasunga Jesu, vakaenda naye, vakamuisa kuna Pirato. 2Pirato akamubvunza, akati, “Ndiwe Mambo wavaJudha here?” Akapindura, akati kwaari, “Ndizvo zvamataura.”
3Vapristi vakuru vakaramba vachimupomera zvizhinji. 4Pirato akamubvunzazve akati, “Haupinduri chinhu here? Chinzwa, vanokupomera zvizhinji seiko!”
5Asi Jesu haana kuzopindura chinhu, Pirato akashamiswa nazvo.
6Zvino pamutambo waisivasunungurira musungwa mumwe, wavanenge vaikumbira. 7Zvino kwakanga kuno mumwe wainzi Bharabhasi, akanga asungwa pamwechete navamwe vakanga vamutsa bope, vakauraya vanhu pabope iroro. 8Vanhu vazhinji vakakwira, vakatanga kukumbira kuna Pirato kuti avaitire saizvozvo. 9Pirato akavapindura, akati, “Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha here.” 10Nokuti akanga achiziva kuti vapristi vakuru vakanga vamuisa kwaari negodo.
11Zvino vapristi vakuru vakakurudzira vanhu vazhinji, kuti vati zviri nani avasunungurire Bharabhasi.
12Pirato akapindurazve, akati kwavari, “Ndichagoiteiko naiye, wamunoti ndiye Mambo wavaJudha?”
13Vakadanidzirazve, vachiti, “Murovere pamuchinjikwa!”
14Pirato akati kwavari, “Akagotadzeiko?” Vakanyanyisa kudanidzira, vachiti, “Muroverei pamuchinjikwa!”
15Zvino Pirato, nokuti akanga achida kufadza vanhu vazhinji, akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu akamurovesa, akamuisa kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa.
Jesu anodadirwa navarwi
(Mateu 27:27-31; Johani 19:2-3)
16Zvino varwi vakamuisa mukati moruvazhe, imo muimba yomubati, vakaunganidza hondo yose; 17vakamupfekedza nguo tsvuku, vakaruka korona yeminzwa, vakamudzika iyo.
18Vakatanga kumukwazisa, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” 19Vakamurova musoro norutsanga, vakamupfira mate, vakapfugama namabvi, vakamunamata. 20Vakati vamuseka, vakamubvisa nguo tsvuku, ndokumupfekedza nguo dzake, vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa.
Jesu anoroverwa pamuchinjikwa
(Mateu 27:32-56; Ruka 23:26-49; Johani 19:17-30)
21Zvino vakamanikidza mumwe, akanga achipfuura achibva kuruwa, ainzi Simoni weKurini, baba vaArekizanda naRufosi, kuti atakure muchinjikwa wake.
22Vakamuisa kunzvimbo inonzi, Gorogota, ndokuti, “Nzvimbo yeDehenya,” kana zvichishandurwa. 23Vakamupa waini, yakavhenganiswa nemura, asi iye akazviramba. 24Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo, kuti mumwe nomumwe apiwe chake. 25Yakanga iri nguva yechitatu, vakamurovera pamuchinjikwa.
26Norugwaro rwemhosva yake rwakanga rwakanyorwa pamusoro pake, ruchiti, “MAMBO WAVAJUDHA.” 27Vakarovera pamuchinjikwa pamwechete naye makororo maviri, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe. [ 28Rugwaro rukaitika, runoti, “Akarovererwa navadariki vomurayiro.”]
29Navaipfuura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti, “Iwe, wokuputsa temberi, nokuivakazve namazuva matatu, 30chizviponesa iwe, uburuke pamuchinjikwa!”
31Saizvozvo vapristi vakuru navanyori vakamuseka pakati pavo, vachiti, “Akaponesa vamwe, zvino haagoni kuzviponesa. 32Kristu, Mambo wavaIsiraeri, ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, kuti tione titende.” Navakanga varoverwa pamwechete naye vakamuzvidza.
33Zvino yakati yava nguva yechitanhatu, rima rikavapo panyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe. 34Nenguva yepfumbamwe Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Eroi, Eroi, rama Sabhakitani!” Ndokuti kana zvichishandurwa, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?”
35Vamwe vakanga vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati, “Chinzwai, anodana Eria.” 36Ipapo mumwe akamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, achiisa parutsanga, ndokumunwisa, achiti, “Regai timboona kana Eria achizouya kumuburusa.” 37Ipapo Jesu akadana nezwi guru, ndokubva afa.
38Chidzitiro chetemberi chikabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. 39Zvino mukuru wezana akanga amirepo, akatarisana naye, akati achiona mutowo wokufa kwake, akati, “Zvirokwazvo, munhu uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.”
40Navakadzi vakanga varipo, vakatarira vari kure; pakati pavo kwakanga kuna Maria Magadharina, naMaria mai vaJakobho muduku naJose, naSarome; 41ndivo vaimutevera achiri muGariria vachimushandira, navamwe vakadzi vazhinji vakanga vakwira Jerusaremu naye.
Kuvigwa kwaJesu
(Mateu 27:57-61; Ruka 23:50-56; Johani 19:38-42)
42Zvino ava madeko, zvarakanga riri zuva rokugadzirira, ndokuti rinotangira Sabata, 43Josefa weArimatia, mumwe wamakurukota, munhu akakudzwa iye amene akanga achigarirawo ushe hwaMwari akauya akapinda nokutsunga kuna Pirato, akakumbira chitunha chaJesu. 44Pirato akashamiswa achinzwa kuti akanga atofa; akadana mukuru wezana, akamubvunza kana anguva afa. 45Zvino akati achinzwa kumukuru wezana, akapa Josefa chitunha. 46Iye akatenga mucheka, akamuburusa, akamuputira nomucheka, ndokumuviga mubwiro hwakanga hwakacherwa pabwe, ndokukungurusira ibwe pamuromo wobwiro. 47Maria Magadharina, naMaria mai vaJose, vakaona paakavigwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Mako 15: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: